Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yokurudzira Zimbabwe Kubvisa Mutongo weRufu


FILE - Human rights campaigner looks on during the release of an Amnesty International report in Abuja, Nigeria, May 16, 2017.
FILE - Human rights campaigner looks on during the release of an Amnesty International report in Abuja, Nigeria, May 16, 2017.

Sangano rinorwira kubviswa kwemutongo werufu pasi rese reAmnesty International rarumbidza nyika dzemuSub Saharan Africa idzo rinoti zhinji dzacho dziri kubvisa mutongo uyu pamutemo yadzo.

Vachitaura mushure mekuparurwa kwechinyorwa chavo che “Sub Saharan Africa Death Penalty Report,” mumwe mushandi wekuAmnesty International, VaLloyd Kuveya, vati vanhu vari kutongerwa rufu muZimbabwe vari kuderera zvakanyanya huye mugore ra2017 vanhu gumi nemumwe chete ndovakapiwa mutongo uyu nekuda kweshanduko yemubumbiro remitemo yenyika rinodzivirira madzimai, vechidiki nevakurisa kupiwa mutongo uyu.

VaKuveya vanotiwo chishuviro cheAmnesty International ndechekuti mutongo werufu ubviswe zvachose muZimbabwe.

VaKuveya vanoti sangano ravo rine chivimbo chekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ine chido chekubvisa mutongo uyu nekudaro vachange vachisangana nemutungamiriri wenyika mwedzi uno kuti vakurukure nezvanyaya iyi.

Amnesty International inoti munyika dzemuSub Saharan Africa, Botswana ndiyo inonyanyopa mutongo werufu zvakanyanya.

Inotiwo vanenge vaita mhosva vanofanirwa kupihwa mukana wekugadzirisa mhosva dzavo kwete kuurayiwa.

Sangano iri rinotiwo nyika dzakadai seZimbabwe dzine mutongo werufu asi dzisingaurayi dzinotambudza zvakanyanya vanopiwa mutongo uyu sezvo vanenge vachingofunga kuti vachaurayiwa rinhi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG