Accessibility links

Breaking News

Kusamira Zvakanaka kweKunze muAmerica Kunonzi Kwakakanganisa Hurongwa hweKubaiwa kweNhomba


Vanhu vari mumutsetse pane imwe nzvimbo yaibairwa nhomba muguta rePhiladelphia, pamberi pavo paine mirwi yechando chakaunganidzwa.

Mamiriro ekunze anga asina kunaka akakonzerwa nekudonha kwechando chakawanda paamwe nekutonhora kwakanyanya mune mamwe matunhu eAmerica anonzi akavharisa nzvimbo dzekubaira vanhu nhomba yekudzivirira Covid-19 dzinodarika zviuru zviri.

Kusamira kwekunze kwakanaka uku kunonziwo kwakanganisawo kufambiswa kwenhomba dzinodarika mamiriyoni matanhatu dzaifanirwa kunge dzakaendeswa mumatunhu ose enyika ari makumi mashanu svondo rapera.

Izvi zvakaziviswa nechipangamazano chikuru kumuzinda weWhite House, VaAndy Slavitt, nemusi weChishanu chapfuura, pamusangano wavakaita nevatori venhau.

Chando chakanyanya chakapararira nematunhu akawanda munyika iyi kubva musi wa 14 mwedzi uno, izvo zvakasiya mamwe ematunhu aya asina magetsi nemvura.

Chando chisati chamboonekwa munhoroondo yenyika iyi mune mamwe matunhu akaita seTexas, Oklahoma, neArkansas chakadonha chinonzi chakasimudza mhepo yaitonhora, kudzima magetsi, pamwe nekuita kuti pombi dzemvura dziputike mune mamwe matunhu akaita seTexas.

Nhomba yeModerna nePfizer-BioNTech inonzi inoda kuchengeterwa munzvimbo inotonhoresa zvakanyanya, asi VaSlavitt vakaudza nhepfenyuro yeCNN nemusi weChina kuti hapana kana nhomba imwechete yakakanganisika nekuda kwekunonoka kuendeswa munzvimbo dzadzaifanirwa kunge dzakaendeswa.

Chizvarwa cheZimbabwe vari chiremba, Dr. Simbiso Ranga, avo vari kuNorth Carolina, vanoti kunyange hazvo nhomba idzi dzichinzi dzinofanirwa kuchengeterwa munzvimbo dzinotonhoresa, havafungi kuti pane chakakanganisika sezvo motokari dzinoshandiswa mukudzitakura dziine chando chinokodzera zvekuti dzinochengetedzeka.

Hurukuro naDr. Simbiso Ranga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG