Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Kumboduba kwaVaTrump Muchipatara Kumhoresa Vatsigiri Vavo

VaTrump vachimhoresa vatsigiri vavo pagedhe rechipatara cheWalter Reed.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, avo vakanga vachirapwa vari pachipatara che Walter Reed National Military Medical Center, muguta re Bethesda pedyo neWashington D.C, vakambobuda muchipatara ndokupinda mumotikari vachimhoresa vatsigiri vavo vakange vakaungana pagedhe rechipatara ichi.

Izvi zvakashorwa zvikuru nevamwe vanachiremba avo vakati izvi hazvaifanirwa kubvumidzwa kumurwere anec hirwere chinouraya uye chinotapuriranwa nyore nyore.

VaTrump nemudzimai wavo vakazivisa nemusi weChina kuti vane coronavirus, uye VaTrump vakadzokera kuWhite House neMuvhuro manheru.

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vakaudza Studio7 kuti VaTrump vari kupiwa mishonga yakawanda, vachiti mishonga iyi ichiri kuyedzwa uye haisati yave nemvumo yekutengeswa kana kushandiswa nevanhu vese vese.

Vamwe vanachiremba vepachipatara ichi asi vasiri kurapa VaTrump vakashora zvakaitwa naVaTrump nevanachiremba vavo vachiti kumbobuda kwakaitwa naVaTrump muchipatara ivo vane vasati vapora kunopinza veruzhinji pangozi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Muzvare Tafadzwa Matinenga Vanoti Vachavhotera VaJoe Biden veBato remaDemocrats

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Muzvare Tafadzwa Matinenga Vanoti Vachavhotera VaJoe Biden veBato remaDemocrats
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe VaTamuka Gwatidzo Vanoti Vachavhotera VaDonald Trump vemaRepublicans Uye Vanoona Vachikunda

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe VaTamuka Gwatidzo Vanoti Vachavhotera VaDonald Trump vemaRepublicans Uye Vanoona Vachikunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bazi rezveMutemo muAmerica Roendesa Kambani yeGoogle kuMatare

Kambani yeGoogle inonzi yakurisa

Bazi re zvemitemo, kana kuti Department of Justice, pamwe nematunhu emu America gumi nerimwe, aenda kumatare edzimhosva kwavano mhan'arira kambani ye Google, vachiti yanyanya kukura zvekuti yave kutadzisa mamwe makambani kuitawo basa iri.

Google inopa vanhu mukana wekutsvaka zvese zvavanoda padandemutande..

Hurumende inoti kambani yeGoogle pamwe neyeFacebook, ari kuwana mari inoita zvikamu makumi matanhatu kubva muzana (65%) zvemari yose inowanikwa mubasa rekupa vanhu mukana wekutsvaka zvavanoda padandemutanda pamwe chete nekushambadza, kana kuti “search engine and advertising”.

Kambani yeGoogle inoramba mhosva yairi kupomerwa ichiti zviri kutaurwa nehurumende handizvo, ichiti vanhu vanoshandisa kambani yavo nekuti vanoda kuishandisa, kwete kuti vanomanikidzwa kana kuti vashaya imwe kambani inokwanisa kuvabatsira.

Muzvinafundo Stan Mukasa, vanodzidzisa paIndiana University, mudunhu rePennslyvania, vanoti uku kutashurana kweshoroma, kusinei nevanhu vanoshandisa Google neFacebook, sezvo bazi rezvemitemo iri richida kupatsanura mabasa ari kuitwa neGoogle kuti mamwe awo aitwe nemamwe makambani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Veruzhinji Vanopiwa Mukana weKubvunza VaTrump naVaBiden Zvavanoda Kunzwa Pamberi peSarudzo

Mutungamiri weAmerica uye vachamirira Republican Party musarudzo, VaDonald Trump nevachamirira Democratic Party, VaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica vari ivo vari kumirira bato reRepublican Party musarudzo, VaDonald Trump, nevari kumirira Democratic Party, VaJoe Biden, nezuro vakaita misangano panguva imwechete munzvimbo dzakasiyana vachipindura mibvunzo yeveruzhinji mukutsvaga kwavo rutsigiro masvondo mashoma sarudzo dzichaitwa musi wa 03 Mbudzi dzisati dzaitwa.

Vaviri ava vaifanirwa kunge vakasangana mugakava, asi mushure mekunge VaTrump vazivisa musi wa 02 Gumiguru kuti vakanga vabata chirwere cheCovid-19, varongi vegakava iri vakaita kuti musangano uyu uchiitwa pachishandisswa zvivhitivhiti kana kuti virtual, asi VaTrump vakaramba kupinda mazviri.

Kwakazove nemisangano neveruzhinji mumatunhu ePennsylvania neFlorida, VaTrump vachitevera musarudzo, vave kuedza kushandisa nguva yakarasika. Chiitiko ichi chakaburitswa nenhepfenyuro yeNBC News.

Vachitaura, VaTrump vakati vakanga vari kuNorth Carolina nezuro wakare uko vakaita musangano mukuru kwazvo wekutsvaga rutsigiro wakapindwa nevanhu vakawanda chose, uye vakanzwa zvakanaka chose. Vakatiwo vaive mumatunhu e Florida, Pennsylvania nemamwe ose.

VaTrump vakadzivirirawo matanho avo pachirwere cheCovid-19, vachiti vakamisa kupinda kwendege dzaibva kuChaina (China) mukupera kwaNdira.

Asi mhinduro iyoyo yakasvoropodzwa zvikuru naVaBiden, avo vaivewo mumusangano neveruzhinji waikokerwa naGeorge Stephanopoulos wenhepfenyuro yeABC News.

“Raive basa remutungamiri wenyika kutungamira asi haana kuita saizvozvo. Haana kutaura pamusoro pezvaifanirwa kuitwa nekuti, semaonero angu, aingoramba achishushikana nezvemusika wemari,” VaBiden vakadaro.

VaBiden vakati VaTrump vaifanirwa kumanikidza magavhuna ematunhu pamwe nemameya kuti vadzike mitemo iyo vanoti yaikwanisa kuponesa hupenyu hwevanhu vakawanda.

Vakadomwa naVaTrump kuti vave mutongi wedare reSupreme Court, Amai Amy Coney Barrett, vari mudare reSeneti uko vari kubvunzurudzwa svondo rino, uye kana vakatambirwa, zvinogona kubatsira kuona anokunda musarudzo.

“Zvinenge zviri kwavari. Ndinofunga kuti vanogona kupa mutongo unogona kunditsigira kana kunditsikirira. Handione zvangu paine dambudziko.” VaTrump vakadaro.

VaBiden havana kuzvipira pakuti vachawedzera here huwandu hwevatongi vedare reSupreme Court senzira yekushandura mamiriro akaita vatongi.

Vakati havasi kuzvitevera, uye zvimira nekuti zvinenge zvabuda sei

Vaviri ava vanowirirana pachinhu chimwechete.

VaTrump vakati “Tine sarudzo iri kuuya. Ndinofunga ndiyo sarudzo yakakosha munhoroondo yenyika yedu.”

Ukuwo, VaBiden vakavimbisa kushanda nevebato reRepublican kana vakasarudzwa.

“Nekuti pane zvinhu zvakawanda chose zvatiri kuwirirana mazviri.”

Asi pane zvakaewanda zvinopesanisa mapoka aya. Vanhu vatotanga kuvhota pamberi pesarudzo mumatunhu akawanda uye VaTrump vari kuyambira kuti panogona kuitwa chitsotsi chakakura. Nyanzvi zhinji munyaya dzesarudzo dzinoti izvi hazvisati zvamboitika. VaTrump vakabvunzwa kana vaizotambira zvinenge zvabuda musarudzo.

“Mhinduro inoti hongu, Hongu ndinotambira. Asi ndinoda kuti ive sarudzo inovimbika, zvinove zviri kludiwawo nemunhu wese.”

Vari kukwikwidza ava vari kutarisirwa kusangana svondo rimwe chete kubva iye zvino mugakava ravo ravanenge vari pamwechete rekupedzisira.

Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Misangano yaitwa naVaDonald Trump naVaJoe Biden Inobudisa Kusiyana Kwevatungamiri Vaviri Ava

VaDonald Trump naVaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, veRepublican Party, naVaJoe Biden, veDemoctratic Party, vaita misangano, kana kuti ‘Townhall’ vachipindura mibvunzo yevanhu vari mumatunhu akasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG