Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, neMuvhuro vakazivisa kuti America ichagovana nhomba yekudzivirira Covid-19 nenyika dzepasi rose, ichitanga nekutumira nhomba inosvika mamiriyoni makumi maviri, kana kuti 20 million kunyika dziri kunetseka nedenda iri panopera mwedzi unouya waChikumi.
Vachizivisa nezvehurongwa uhwu, VaBiden vakati nhomba idzi inhomba dzinofanirwa kunge dziri mumaoko ezvizvarwa zveAmerica, asi panopera mwedzi waChikumi, kana vachinge vawana nhomba inokwana kudzivirira munhu wese ari muAmerica, nyika yavo ichagoverana nedzimwe nyika. nhomba dzinenge dzadarikidza dzinodiwa neAmerica.
Nhomba dzinotarisirwa kugoverwa kune dzimwe nyika ndedze Pfizer, Moderna kana Johnson and Johnson kana dzichinge dzave kuwanikwa uye dzinenge dziri pamusoro penhomba dzinosvika mamiriyoni makumi matanhatu eAstraZeneca idzo dzakaziviswa kare nehurumende yaVaBiden kuti ichapiwa kunyika dziri mhiri kwemakungwa.
Nyanzvi mune zvehutano, vari chiremba, Dr. Simbiso Ranga, vanoti danho rakatorwa neAmerica iri richabatsira zvakanyanya nyika dzakaitawo seZimbabwe idzo dzinenge dzichidawo rubatsiro rwenhomba.
Facebook Forum