Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Kanye West Anoti Achakwikwidza Kuve Mutungamiri weAmerica Muna 2020

Kanye West

Muimbi ane mukurumbira pasi pose, Kanye West, azivisa kuti arikuzokwikwidza kuve mutungamiri we America gore rino, 2020.

Vazhinji vari kuseka vachiti kurota kuri kuitwa naKanye asi vanoongorora zvemitambo vakazvimirira, VaTafadzwa Munjanja, vanoti Kanye haasi iye muimbi kana ‘actor’ wekutanga akapinda mune zvematongerwo enyika, vachiti VaRonald Reagan vaive mumafirimu mazhinji vasati vakwikwidza kuve mutungamiri wenyika, izvo vakazove kwemakore masere.

VaMunjanja vanoti umwe aiita zvemitambo yekusimudza masimbi uye akaonekwavo mumafirimu mazhinji, VaArnold Schwarzenegger, vakapindavo mune zvematongerwo enyika vakaita ghavhuna vedunhu reCalifornia kwemakore masere.

VaMunjanja vanoti Kanye akakwikwidza, achaita dambudziko nevanhu vechitema pamusoro pekutsigira kwake mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vachitizve iyi inogonavo kuva nzira yekuda kubatsira VaTrump kuti pamwe vanhu vechitema vanofanirwa kuvhotera VaJoe Biden vavhotere Kanye kuti VaTrump vabudirire.

Pamusoro pezvo, VaMunjanja vanoti iyizve inogona kuva nzira yaKanye yekukonzera mutauro kuti dambarefu rake, iro richabudiswa mwedzi unouya, waNyamavhuvhu, rigotengwa zvine mutsindo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

VaDonald Trump Vanorambidzwa Zvekare Kushandisa Facebook

VaDonald Trump.

Bhodhi rinoona mafambisirwo anoitwa basa nekambani ye Facebook nezuro, Chitatu, rakabvumirana kuti vaimbove mutungamiri we America, VaDonald Trump, vasabvumirwa kushandisa ‘social media’ ye Facebook kweimwe mwedzi mitanhatu.

VaTrump vakavharirwa mukana wavo wekushandisa Facebook yavo zvichitevera mhirizhonga yakaitwa nevatsigiri vavo padare reparamende ye America, Capitol Hill, musi wa 6 Ndira 2021, pakafa vanhu vatanhatu.

Facebook nemamwe makambani e‘social media’ akashorwa zvikuru zvichinzi akange achibatsira VaTrump mukupesvedzera mhirizhonga iyi uye mukushambadza mashoko emanyepo pamusoro pezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi 2020.

Zvichitevera mashoko abudiswa nebhodhi reFacebook ekuti VaTrump vasabvumidzwa kushandisa Facebook, VaTrump vashora makambani e’social media’, anosanganisira Twitter, Instagram neGoogle, vachiti makambani aya azere huori uye anombunyikidza kodzero dzevanhu, achirambidza vanhu kutaura zvavanoda vakasununguka, izvo vati zvinotyora kodzero dzevanhu.

VaTrump vati makambani aya ari kutyityidzirwa nevatsigiri vebato re Democtratic Party.

Vanodzidzisa zvekutapa nhau paUniversity of Indiana, mudunhu re Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti VaTrump vanogona kutukirira havo makambani akaita seFacebook sezvavari kuita asi hazvina zvazvinobatsira.

Vanoti chinhu chakonzera kuti VaTrump varambidzwe kushandisa Facebook zvekare ndechekuti vari kuramba vachiita zvinhu zvakakonzera kuti vabviswe paFacebook pacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaBill Gates naAmai Melinda Gates Vazivisa Kuti Vagura Muchato Wavo

VaBill Gates naAmai Melinda Gates

Muzvinabhizimisi, VaBill Gates, nemudzimai wavo, Amai Melinda Gates, nezuro, Muvhuro, vakazivisa nezvekupera kwe muchato wavo, mushure memakore makumi maviri nemanomwe vari vose.

VaBill Gates vanozivikanwa semunhu akavamba kambani ye Microsoft, zvichinzi nemusi we Chishanu chapfuura ichi, vange vachikosha mabhirioni zana nemakumi matatu ne manomwe emadhora eku America (US $137b).

Parizvino, VaGates vanonzi ndivo mupfumi wechina pavanhu vose pasi pose.

Vachinyora pa Twitter pavo, Baba naAmai Gates vati vanokumbira kuti vapiwe nguva yekugadzirisa zvinhu mumba mavo murunyararo.

VaBill Gates, avo vane makore makumi matanhatu nemashanu (65) vakachata na Amai Melinda Gates, avo vane makore makumi mashanu nematanhatu (56) mugore ra1994 uye vane vana vatatu.

Vaviri ava vanozivikanwavo nezve sangano ravakaumba, reBill & Melinda Gates Foundation, iro rinobatsira vanhu paso pose, zvikuru sei munyaya dzezvehutano kuti vanhu vawane mishonga, uye mukudzivirira kufararira kwezvirwere zvakawanda.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi pa Devry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti Baba na Amai Gates vange vari vanhu vanotarisirwa pamusoro zvikuru zvekuti kuputsika kwe muchato wavo kuchagumbura vanhu vazhinji pasi pose.

Vati mabasa ose avakatanga achaenderera mberi kunyange hazvo muchato wavo wapera.

Vanoti umwe nomumwe pahuviri hwavo munhu ange achiita zve mabhizimisi, achiita mari pachake.

Muzvinafundo Masocha vanoti hapana chati charatidza kuti kurambana kwevaviri ava kune chekuita nezvehupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Derek Chauvin Anowakikwa Aine Mhosva yeKuuraya VaGeorge Floyd

Derek Chauvin achisungwa kuti aendeswe kujeri mushure mekuwanikwa aine mhosva yekuuraya George Floyd

Aimbove mnupurisa wechichenamudunhu reMinnesota, muAmeria, Derek Chauvin, akawanikwa aine mhosva yekuuraya VaGeorge Floyd gore rapera, 2020.

Chauvin, uyo akadzingwa basa gore rapera, akange ari mupurisa paakauraya VaFloyd, murume wechitema, nekumutsimbirira pamutsipa wake nebvi rake kusvika afa zvikakonzera mhirizhonga muAmerica nemudzimwe nyika.

Nezuro dare redzimhosva rakawana Chauvin aine mhosva nhatu dzekuuraya VaFloyd.

Pakaziviswa kuti Chauvin akange awanikwa aine mhosva ye kuuraya Va Floyd, mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakafonera mhuri yaVaFloyd vachiti vanotambira zvakabuda mudare redzimhosva nekuti zvinoratidza kuti mitemo ye nyika inoshanda.

Asi VaBiden vakazoudza vatori venhau kuti pane zvizhinji zvinofanirwa kuitwa mukupedza rusarura ganda muAmerica, vachiti zvabuda mudare redzimhosva izvi hazvina kukwana naizvozvo nyika inofanirwa kuenderera mberi mukurwisana ne zverusarura ganda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda mudunhu reTexas, VaKennedy Masiye, vaudza Studio 7 kuti zvakaitika kuna Chauvin zvinoratidza kuti mitemo ye muAmerica inoshanda.

Vati kune dzimwe nyika, mapurisa haapomerwi mhosva kunyange vakapara mhosva.

VaMasiye vati kufona kwaitwa naVaBiden kumhuri yaVaFloyd chiratidzo chekuti mutungamiri wenyika anonzwisisa zvinorwadza vanhu.

Vati VaBiden havana kuita izvi kuti vaonererwe sezvo vakagara vachikurudzira kupedzwa kwerusarura ganda kwemakore mazhinji.

VaMasiye vatiwo kutongwa kwaChauvin kwakafambiswa zvakanaka, vachiti, sagweta, vanogutsikana nekutevedzwa kwakaitwa mutemo nemativi ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Huwandu Hwevanhu Vari Kupfurwa Vachifa Huri Kuwedzera muAmerica

Vanhu vachikurudzira kudzikwa kwe mitemo yepfuti

Kubva kutanga kwegore rino vanhu vafa vachipfurwa muAmerica vadarika zana rine makumi mana nevanomwe.

Vanhu ava vakapfurwa munzvimbo makumi mana nenomwe mumaguta akasiyana siyana.

Kubva musi wa 16 Kurume apo pakapfurwa vanhu vasere muguta reAtlanta, America yaona vanhu vachipfurwa munzvimbo dzinoita makumi mana nesere.

Nemusi weChishanu chapfuura, vanhu vakapfurwa munzvimbo nhatu dzinoti Indianapolis (Indiana), Pensacola (Florida) ne muWasgington D.C.

Nemusi weSvondo, masikati, mapurisa muguta reAustin, mudunhu reTexas, vakange vachitsvaka umwe murume aimbove mupurisa mushure mekunge apfura vanhu vatatu vakafa.

Sangano rinoongorora mhosva dzinoparwa nepfuti, reGun Violence Archive, rinoti kusvika parizvino mugore rino ra 2021, vanhu vapfurwa munzvimbo dzinoita zana nemakumi mana nesere.

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vanoti tsika dzevanhu vemu America dzakasiyana nedzinoonekwa ku Africa, Asia kana kune dzimwe nzvimbo.

Vanoti vanhu vemu America vanoita sevasingakoshesi hupenyu sezvinotwa munyika dzakaita se Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvirongwa zveStudio7 Shona neStudio7 Ndebele Zvinosvitsa Makore Gumi neMasere

programs-studio7

Veruzhinji vari kurumbidza nhepfenyuro yeStudio7 nekusvitsa kwayaita nhasi makore gumi nemasere ichitepfenyura zvirongwa zveShona neNdebele, mushure mekung chirongwa cheChirungu chatanga musi waNdira 27, 2003.

Vanhu vakawanda vanoterera Studio7 vati inhepfenyuro iyi inokoshesa mashoko echokwadi mukutepfenyura kwayo isina divi rainorerekera.

Mumwe mutereri weStudio 7, VaMoyowatidhii Angirayi, varumbidza nhepfenyuro iyi vachiti inotepfenyura zvine hunyanzvi pamwe nekubudisa mashoko echokwadi.

VaAngirayi vatiwo mune ramangwana vangafare zvikuru kana Studio7 kaitawo chivhitivhiti muZimbabwe.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, kana kuti MISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vatiwo nhepfenyuro iyi inobatsira zvakanyanya zvizvarwa zveZimbabwe kuti zviite sarudzo mushure mekuwana ruzivo rwezvinenge zvichiitika munyika.

VaMoyo vatiwo apo nyika iri kunetsekana nedenda reCovid-19 vanoda kuti Studio 7 irambewo ichipakurira veruzhinji ruzivo nedzidziso.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vatendawo Studio7 vachiti yabatsira budiriro munyika kuburikidza nekutepfenyura isina kwayakarerekera uye ichibuditsa pfungwa dzemunhu wese zvisinei nebato rezvematongerwo enyika raanotsigira.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, vanoti vabuda panhepfenyuro iyi kakawanda. VaMangwana vatiwo Studio7 inhepfenyuro inoshanda zvakanaka ichiremekedza zvinotarisirwa kubva kuvapepeti venhau.

VaMangwana vati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakabvumidza kuti nhepfenyuro iyi ishande zvayo yakasununguka munyika vakatiwo vanofadzwa nekuti nhepfenyuro iyi yakapa mabasa kuzvizvarwa zveZimbabwe.

Chirongwa cheStudio7 Shona, icho chakaparurwa pamwe chete nechirongwa cheStudio7 Ndbele, chakatanga kutepfenyura musi wa 7 Kubvumbi mugore ra2003 vashamarari vari muchakabvu Carol Gombakomba naChampion Chigwedu, mupepeti mukuru ari Ray Choto.

Vatori venhau muZimbabwe vaisanganisira Blessing Zulu, Rashweat Mukundu, muchakabvu Tendai Ndemera, Michael Kariati, Godwin Mangudya, Loirdham Moyo, Thomas Chiripasi, Praxedes Jeremiah, Brenda Moyo, uye Basildon Peta ari muSouth Africa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG