Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Justice Department Inoda Kutora Hupfumi Hwa VaYahya Jammeh

Vaimbova mutungamiri weGambia, VaYahya Jammeh

Bazi rinoona ne zvemitemo mu America, reJustice Department, nezuro rakaenda kumatare edzimhosva richiti hupfumi hwe vaimbove mutungamiri we Gambia, VaYahya Jammeh, hunofanirwa kutorwa.

Justice Department iri kupomera VaJammeh mhosva yehuori uye yekuchenesa mari, kana kuti ‘money laundering’.

VaJammeh, avo vakabviswa pahutongi muna 2016, vanogara muhupoteri kuEquatorial Guinea asi vana vavo vanonzi varikugara nekupinda chikoro muAmerica.

Justice Department inoti VaJammeh vane dzimba dzinosvika mazana maviri nemakumi masere neimwe, kusanganisira mumwe muzinda mukuru munzvimbo inodhura chaizvo yePotomac muWashington D.C. uko kunonzi ndiko kunogara vana vavo.

Hurumende yeAmerica inoti hupfumi hwa VaJammeh hwakawanikwa nenzira dzehuori naizvozvo hunofanirwa kutorwa.

VaCalvin Manduna, avo vari kuita dzidzo dzepamusorosoro, dze African Studies, paHoward University, vanoti zvekutorerwa hupfumi kana munhu abva pachigaro zvinoenderana nehusahwira hwange huripo pakati pevaimbove vatungamiri venyika nehurumende yeAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

VaJohn Lewis Vanoradzikwa kuAtlanta, Georgia

Vemauto vachipinza VaJohn Lewis mukereke yeEbenezer Baptist Church vasati vanoradzikwa

VaJohn Lewis, avo vaimirira dunhu reGeorgia muparamende ye America, vakachengetwa nezuro, China, 30 Chikunguru, 2020.

VaLewis vakashaya muAtlanta, Georgia, musi wa 17 Chikunguru mushure mekurwara negomarara.

Vange vave nemakore makumi masere.

Kwemasvondo maviri kubva zvavashaya, VaLewis vange vachiendeswa kunzvimbo dzakasiyanasiyana kuti vanhu vayenekane navo gwekupedzisira. Vakave mutema wekutanga kurara muCapitol Rotunda vanhu vachisarisana navo.

Pakuchengetwa kwavo, vaimbove vatungamiri veAmerica vatatu, vanoti President George Bush, President Bill Clinton na President Barack Obama, vakaungana nevanhu vazhinji vakange vachichengeta VaLewis.

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaJimmy Carter, vakatumira mashoko enyaradzo vachitsananguravo kuti vakange vachida kuve pakuchengetwa kwaVaLewis asi vatadziswa nehutano hwavo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, Doctor Frenk Guni, vanoti zvakaitika pakuchengetwa kwaVaJohn Lewis hazvisati zvamboitika muAmerica, zvikuru sei makudzirwo avakaitwa uye huwandu hwevaimbove vatungamiri veAmerica vakange varipo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaJohn Lewis Vanove Mutema Wekutanga Kurara muCapitol Rotunda

Mutumbi waVaJohn Lewis

Vanhu vazhinji, kusanganisa nhengo dzeparamende ye America, vari pakati pekukudza VaJohn Lewis, avo vakange vari mumiriri wedunhu reGeorgia muparamende ye America.

VaLewis vakashaya svondo rapera mushure mekurwara negomarara.Vange vave nemakore makumi masere.

Nezuro, mutumbi wa VaLewis wakaendeswa kunzvimbo dzinokosha mu Washington D.C. usati waendeswa kuparamende ye America, kana kuti Capital Hill, uko kwavakazoendeswa vakave munhu wechitema wekutanga kurara munzvimbo inonzi ‘Capital Rotunda’, nzvimbo inoiswa vanokudzwa kuti vanhu vavaone kekupedzisira vasati vanochengetwa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaCalvin Manduna vanoti, VaLewis vange vari murwiri wekodzero dzevanhu asingatye, vachiti varwiri vekodzero nerusununguko rwevanhu vakaita sa VaLewis havachawanikwi mazuva ano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe Council of Churches Inoshora Mashoko eKutukana Mune Zvematongerwo Enyika

VaBrian Nichols

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, re State Department, nezuro rakasheedza ku mahofisi aro mumiriri weZimbabwe mu America, VaAmon Mutembwa, kuti vatsanangure kutukwa kwakaitwa mumiriri weAmerica mu Zimbabwe, VaBrian Nichols, nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu-PF, VaVaPatrick Chinamasa, avo vakati vaNichols vanopindira munyaya dzisineyi navo naizvozvo vanofanirwa kudzingwa munyika.

Izvi zvinogona kukanganisa zvakanyanya hukama nekudyidzana pakati penyika mbiri idzi.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, vaChinamasa vakati VaNichols idzenga riri kupindira munyaya dzarisineyi nadzo, naizvozvo vanofanirwa kudzingwa kubva munyika.

VaChinamasa vakati VaNichols ndivo vari kutsigira hurongwa hwekuratidzira nemusi weChishanu svondo rino, 31 Chikunguru.

Mumwe wevakuru mu Zanu-PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti VaNichols vanozviidza mwari uye havachazvitori semumiriri weimwe nyika sezvo vave kupindira mune zvematongerwo enyika yeZimbabwe.

Asi sangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches, rinoti Zimbabwe yave nenguva refu ichinetseka mukutsvaka shamwari nemadzisahwira muZimbabwe nekunze kwenyika, naizvozvo vakuru vehurumende havafanirwi kutaura zvinhu zvisina humbowo.

Munyori we Zimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vati sangano ravo rinoshora mashoko ekuti vanhu vari mumapato ezvematongerwo enyika anopikisa vanhu vanopfurikidza mwero, kana kuti ma‘terrorists’.

Vati sangano ravo rinokurudzira hurumende nevakuru vebato riri kutonga kuti vasakurudzira zvizvarwa zve Zimbabwe kuti zvirwisane pamusoro pegutsigira kwavo mapato akasiyana, vachiti zvinopinza Zimbabwe pamawere paisingazogone kudzoka.

Vati Zimbabwe Council of Churches inokurudzira hurumende, pamwe chete nebato riri kutonga kuti vachengetedze kodzero dzevanhu vose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

America neChina Vanovharirana Imwe Mizinda Yavo

VaDonald Trump

Mushure mekunge America yaudza China kuti ivhare muzinda wayo muguta reHouston, mudunhu reTexas, hukama nekudyidzana pakati penyika mbiri idzi hwakadzikira zveikuru. America iri kupomera China mhosva yekuti nhumwa dzayo dziri kuita zvehusori, dzichiba ruzivo rwezvenyaya dzezvehupfumi nekugadzirwa kwezvinhu.

China yakapinduravo nekuudza America kuti ivhare muzinda wayo muguta reChengdo, izvo zvakawedzera kusawirirana pakati penyika mbiri idzi.

Nemusi weSvondo, America yakasunga umwe mukadzi weku China akange akapotera mumuzinda weChina muguta reSan Francisco, achipomerwa mhosva yekuvanza kuti aimbove mumauto eChina.

Izvi zvese zviri kuwedzera kusawirirana pakati penyika idzi, idzo dzagara dzichinetsana pamusoro penyaya dzekutengeserana uye pamusoro pemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, avo vanogara vachishora China vachiti yakatadza kumisa coronavirus munyika mayo izvo zvakaunza chirwere ichi kunyika zhinji pasi pose.

Vanodzidzisa zvekudyidzana kwenyika paCalifornia State University, kuChico, mudunhu reCalifornia, Doctor Angela Gapa, vanoti kusawirirana kwenyika mbiri idzi kwakagara kuripo kwenguva refu zvekuti hazvisi nyore kuti vaonerana nenzira imwe chete.

Doctor Gapa vanoti kuvimbana pakati penyika mbiri idzi kushoma asi sezvo dziri nyika dzino tengeserana zvinhu zvakawanda pahuviri hwadzo, dzichawana nzira yekushanda dzese kunyange paine kufungirana pakati padzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Moderna ne Oxford University Vanofara Nemishonga yeCoronavirus Yavari Kugadzira

Pane mishonga miviri yekudzivirira Coronavirus inonzi iri kuita zvakanaka mukushandiswa kwayo pavanhu

Masvondo maviri apfuura, kambani inogadzira mishonga yekurapa vanhu, inonzi Moderna, yeku Cambridge, mudunhu re Massachusetts, yakazivisa kuti mushonga wayo wenhomba, kana kuti vaccine, ye COVID-19 uri kuratidza kushanda zvakanaka pavanhu vakaushandisa pavakange vachiedza kuona kurapa kwawo uye kana paine zvimwe zvakaipa zvaungakonzera pavanhu vanoushandisa.

Nezuro nyanzvi dze zvehutano paOxford University kuUnited kingdom dzakazivisavo kuti vari kufadzwa nezvavari kuona pamushonga we coronavirus wavari kuedza kugadzira sezvo wakaratidza kushanda pavanhu pasina zvakaipa zvaunokonzera.

Dr Simbiso Ranga, vanoshanda vari mudunhu re North Carolina, vanoti mishonga iyi ichiri kure nekuti itange kushandiswa pavanhu vese vese.

Vanoti chinofadza ndechokuti pave negwara rakafanana mukugadzira mishonga iyi.

Dr Ranga vanotitsanangurira pamusoro pemishonga iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG