Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutungamiri weAmerica VaTrump, Vanodzokorora Mashoko eKuti Sarudzo dzakabirirwa Pavakataura kuMusangano weCPAC


Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vari kumusangano weCPAC kuFlorida
Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vari kumusangano weCPAC kuFlorida

Vaimbove mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, neSvondo vakadzoka paruzhinji mushure mekumbotsakatika mushure mekukundwa musarudzo, vachidzokorora zvakare mashoko avo ekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa muna Mbudzi gore rapera, idzo vakakundwa naVaJoe Biden, dzakabiridzirwa zvemhando yepamusoro.

VaTrump vakataura mashoko aya kumusangano wevezvematongerwo enyika vanoda kuchengetedza chinyakare chavo mune zvematongerwo enyika, weConservative Political Action Conference, kana kuti CPAC, uyo wakapetwa neSvondo wakare mudunhu reFlorida muAmerica makare.

VaTrump, vakashoropodzawo hutongo hwaVaBiden vachiti ndiye mutungamiri wenyika akundikana zvakanyanya achangotanga basa munhoroondo yenyika iyi.

Vakakazivisawo musangano uyu kuti rwendo rwavo mune zvematongerwo enyika huri kure nekuguma uye kuti ivo nevatsigiri vavo vachabudirira chete mune remangwana reAmarica.

Vaive mutungamiri wenyika ava vakarambawo mashoko ekuti vane hurongwa hwekuvamba bato ravo rezvematongerwo enyika.

Vakatiwo manyepo ekuti bato reRepublican Party rakanga risina kubatana, vachiti rakabatana chose.

VaTrump vakati vanogona kukunda zvakare kana vakafunga kukwikwidza kechitatu, mashoko akaoonekwa nevamwe sekunge ivo VaTrump vane pfungwa yekukwikwidza zvakare muna 2024.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muWashington D.C., VaFrenk Guni vanoti musangano weCPAC uyu wakaburitsa pachena kuti VaTrump vachine chaunga chevanhu chiri kuvateera mubato ravo reRepublican Party.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe zvakare uye vari mutungamiri webato idzva rinopikisa rePatriotic Zimbabweans Party, VaCharles Muchineripi Mutama, vanotiwo sezvo VaTrump vakawanikwa vasina mhosva panyaya dzemhirizhonga yakaitika kuCapitol Hill, izvi zvakavapa simba idzva rekuti vasimudzire zvakare zvematongerwo enyika.

Hurukuro naVaCharles Muchineripi Mutama
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG