Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Vashanyi Vanobva kuAmerica Varambidzwa Kushanyira Dzimwe Nyika nePamusoro peCoronavirus Yawandisa muAmerica

Statue of Liberty

Nyika zhinji, zvikuru dzeku Europe, hadzisi kufara nemabatirwo ari kuitwa kuedza kumisa kupararira kwechirwere che Covid-19 mu America.

Nyika idzi dzinoti zviri kuitwa muAmerica mukuedza kumisa kupararira kwechirwere zvave kukonzera kuti nyika zhinji dzisatambire vashanyi vanobva kuAmerica.

America ndiyo nyika ine vanhu vakawandisa vari kubatwa nechirwere ichi uye ndiyo ine vanhu vakawandisa vari kufa nacho kudarika dzimwe nyika dzepasi rose.

Dzimwe nyika dzave kuti America haisi kurwisa chirwere ichi nesimba sezvadziri kuita idzo, naizvozvo dzave kutya kubvumidza vanhu veku America kuti vapinde munyika dzavo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari nyanzvi munyaya dzehutano, Doctor Rhoderick Machekano, vanoti nyaya iyi haisi yezve coronavirus bedzi, asi kuti ine zvematongerwo enyika mukati.

Doctor Machekano vanoti kubva paita VaTrump mutungamiri wenyika, America yakatanga kurasikirwa nemadzisahwira akawanda, naizvozvo nyika idzi hadzioni zvichibatsira kumira pamwe chete neAmerica panguva iyo nyika dzose dzichifanirwa kushanda pamwe chete mukurwisa denda iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Dare Rinomisa Bazi reU.S. Postal Service Kuita Shanduko Dzinokanganisa Mafambiro eMatsamba

Mukuru weU.S. Postal Service VaLouis DeJoy

Mutongi wedare repamusoro reAmerica neChina akatara mutongo unomborambidza boka rinoona nezvekufambiswa kwetsamba muAmerica, reUnited States Postal Service kuisa shanduko dziri kunzi nematunhu inokanganisa kufambiswa kwetsamba nenguva.

Mutongi vedare renyika yose, Judge Stanley Bastian vachitonga vari kuYekima kudunhu reWashington, vakati vachapa mutongo uchabata nyika yose panyaya yakakwidzwa nematunhu gumi nemana achipikisana nemutungamiri wenyika VaDonald Trump, mukuru webazi rematsamba, VaLouis DeJoy, pamwe nebazi rematsamba reU.S. Postal Service pamusoro pedanho rakatorwa muna Chikunguru rekushandura mashandiro ebazi iri.

Vachitura mutongo wavo, Judge Bastian vakati matunhu aya aratidza pachena kuti vari kupomerwa mhosva vane chekuita chine zvematongerwo enyika mukuda kukanganisa kufambiswa kwematsamba kwakanaka, zvinogona kukanganisa kufambiswa kwetsamba dzekuvhota musarudzo dza 2020 mumatunhu aya.

Matunhu aya anonzi aida kuti U.S. Postal Service imanikidzwe kusiya danho rayo rekuti kana dai motokari dzisina chadzakatakura dzisiye mamamwe matsamba kana nguva yadzo yekusimuka yasvika, uyewo kuti bazi iri ridzosere imichina yose yarakanga rabvisa.

Chizvarwa cheZimbabwe VaTim Muringai vari mudunhu reOhio vanoti mutongo uyu wakanaka sezvo uchiratidza kuti munyika mune hutongo hwejekerere.

Vati kunyange hazvo vawanikwa vaine mhosva ava vachikwanisa kupikisa mutongo uyu, matare emuAmerica anoshanda nemazvo.

Hurukuro naVaTim Muringai
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Dunhu reOregon Nderimwe reMatunhu Aparadzwa neMoto kuMawirira eAmerica

APTOPIX California Wildfires

Vanhu vanodarika makumi maviri vanonzi vaurayiwa nemoto waparadza masango mudunhu reOregon riri kumawirira kweAmerica. Moto uyu unonzi wasiyawo zviuru nezviuru zvevamwe vanhu vamanikidzwa kutiza misha yavo, iyo iri kusara ichiparadzwa nemoto uyu.

Mamwe matunhu ari kumawirira kweAmerica anoti Washington State neCalifornia ari mudambudziko remoto wesango uyu, uko vanhu vane chitsama vaurayiwawo vakawanda vachitizawo misha yavo.

Moto uyu unonzi wave nemazuva vanodzimura moto vachinetseka kumisa kupararira kwawo.

Vashandi vanodzimura moto vanodarika zviuru makumi matatu vanonzi vari mubishi kuedza kudzimura moto uri kuparadza mzvimbo dzakawanda kumawirira uyu.

MuOregon moto uyu unonzi wapisa maeka anodarika miriyoni imwechete.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reEugene mudunhu reOregon, uye ari muimbi ane mukurumbira, Doctor Thomas Tafirenyika Mukanya Mapfumo, vanoti kunyange hazvo ivo vari kure nekune moto uyu, guta ravo rakavharirwa neutsi hutema huri kuita kuti vasaone zuva kwemazuva.

Doctor Mapfumo vanoti nekuda kwehutsi uhwu, vari kutogara vakazvivharira mudzimba, zvikuru munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Nyanzvi munze zvehutano dzinonzi dziri kukurudzirawo veruzhinji kuti vasafema hutsi uhwu dzichiti hunogona kuwedzera dambudziko rechirwere cheCovid-19.

Hurukuro naDoctor Thomas Mapfumo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


America Yocherechedza Makore Gumi neMapfumbamwe Yarwiswa neMatororo

Zvivakwa zveTwin Towers zviri muNew York ndeimwe yenzvimbo dzakarwiswa nemagandanga musi wa11 Gunyana 2001 muAmerica.

America yacherechedza makore gumi nemapfumbamwe yarwiswa nematororo echikwata che al-Qaeda achishandisa ndege ina dzaakapamba akadonhedza mangwanani emusi waGunyana 11 mugore ra2001 munzvimbo dzakasiyanasiyana munyika.

Nekuda kwechirwere cheCovid-19, gore rino vanhu havasi kuungana sezvaisimboitika makore adarika.

Asi mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, pamwe nevari kumirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika VaJoe Biden, vashanyira munguva dzakasiyana nzvimbo yakadonhera imwe yendege idzi mudunhu rePennsylvania.

Mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaMike Pence vashanyirawo New York.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muguta reNew York zvinoti zvichiri kurangarira zvakaitika muguta iri apo vanhu vakawanda vakaurayiwa pakaputswa zvivakwa zveTwin Towers zvaive muguta iri.

VaTamburayi Gwekwerere, avo vari muNew York, vanoti mitemo mizhinji yakashandurwa neAmerica zvichitevera chiitiko ichi, izvo zvakaomesera vabvakure kunyanya.

“Takawona mitemo mizhinji ichisandurwa muAmerica, nyanya inoita nezve vabvakure nevapoteri, mushure mechiitiko ichi. Asi chinofadza ndechekuti America yakakwanisa kugadzirisa nzvimbo dzakapwanywa idzi uye vanoenderera mberi nekurangarira vakarasikirwa nehupenyu hwavo nemhuri dzakasara, “ VaGwekwerere vanodaro.

Hurukuro naVaGwekwerere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


America Inotemera Zvirango Vachuchusi ve International Criminal Court

Amai Fatou Bensouda

Gurukota re America rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, vatemera zvirango pamuchuchusi mukuru we International Criminal Court, (ICC), Amai Fatou Bensouda, nevamwe vachuchusi vavo vaviri vachiti havasi kuda kunzwa nezvekutongeswa kwemauto eAmerica akarwa muAfghanistan.

Muna Chikumi gore rino, mutungamiri we America, VaDonald Trump, vakapa mvumo kubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika kuti America itemere International Criminal Court zvirango pamusoro pekuda kutongesa mauto eAmerica mhosva dzaanonzi akapara muAfghanistan.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti kuInternational Criminal Court kune vana mazvikokota vemutemo vanoita basa ravo vasingatye, vachiti vachuchusi vatemerwa zvirango ava vakataura kuti havasi kuzodzokera shure panyaya iyi.

Asi Muzvinafundo Mukasa vanoti zvichaomera ICC kuti ibudirire munyaya iyi sezvo America isiri nhengo ye ICC, pamwe chete nenyika dzakaita se Russia, China, Israel ne Syria.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Makanzuru Oisira Hurumende Zvipikiri Munzeve

VaPrecious Shumba

Makanzuru emumaguta nemadhorobha aramba kutambira komekedzo yehurumende yekuti maProvincial Development Co-ordinators pamwe nemaDistrict Development Co-ordinators apinde mumisangano yese yemakanzuru nekuti makunzuru aya haasi kutevedza bumbiro remitemo yenyika pamwe nekusaterera hurumende.

Danho ratorwa nemakanzuru aya rinotevera matsamba akanyorerwa mameya nemakanzuru emumaguta negurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vachiti vanoona nezvekurongwa kwemabasa mumatunhu ava vanofanira kupinda mumisangano yese yemakanzuru nechikonzero chekuti makanzuru ari kutyora bumbiro remitemo yenyika pamwe nekusaterera hurumende.

Asi sachigaro veUrban Councils Association of Zimbabwe, zvakare vari meya veGweru, VaJosiah Makombe, vati vakazeya tsamba yaVaMoyo vakaona kuti yainge iri kunze kwemutemo uye kuti yaipinza maguta nemadhorobha ese musaga rimwe chete asi iwo achishanda zvakasiyana.

VaMakombe vati vamiriria mhinduro kubva kunaVaMoyo.

Meya veMasvingo, VaCollins Maboke, vati kanzuru haisati yatanga kutevedza rairo yaVaMoyo sezvo iri kunze kwemutemo.

Vatiwo kanzuru yavo ichanyorera kuhurumende ichitsanangura kuti sei isingakwanise kutevedza komekedzo yaVaMoyo

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vati kuti zviri pachena kuti VaMoyo vari kuita zvavanoda nekuti mutemo weUrban Councils Act unovapa simba rekuita izvi.

Vati mutemo uyu unopesana nebumbiro remitemo yenyika.

VaShumba vati makakatanwa pakati pehurumende nemakanzuru anogona kupera kana pakave nehurumende dzematunhu sezvakatarwa mubumbiro remitemo yenyika.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMoyo kana mutevedzeri wavo, Amai Marian Chombo, kuti vachaita sei nedanho ratorwa nemakunzuru sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kubatika.

MuZimbabwe mune maguta nemadhorobha makumi matatu nemaviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG