Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kubatwa Pamwe neKufa neCovid-19 muAmerica Hwodzikira


USA, Atlanta, A general view of the U.S. Centers for Disease Control and Prevention
USA, Atlanta, A general view of the U.S. Centers for Disease Control and Prevention

Mukuru webazi rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere muAmerica, re U.S. Centers for Disease Control and Prevention ((CDC)) Amai Rochelle Walensky neChipiri vakati America iri kuratidza kuti iri munzira yekubuda mudenda reCovid-19.

Vakataura izvi vachitarisa kuti huwandu hwevanhu vatsva vari kubatwa neCovid-19 pamwe nekufa nechirwere ichi mumazuva manomwe achangodarika ndihwo hwakadzikisisa nguva dzose kubva zvatanga denda iri.

Vachitaura vari kumuzinda weWhite House pakunzwa zviri kuitwa nechikwata chiri kutungamira kurwiswa kweCovid-19, Amai Walensky vakati huwandu huchangoburitswa khunoratidza kuti vanhu vanofanirwa kuve nechivimbo panguva imwechete vakagadzirira kuti zvinhu zvinogona kungoshanduka chero nguva.

Chipangamazano chikuru munyaya dzeCovid-19 kumuzinda weWhite House, VaAndy Slavitt, vakatsinhirawo mashoko anofadza aya vachiti huwandu hwevanhu vakabatwa nedenda iri hwakadzikira mumatunhu makumi mashanu ose emuAmerica, kanove kekutanga mudenda iri.

Amai Walensky vakatiwo zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvezvizvarwa zveAmerica zvine makore gumi nemasere zvichikwira zvakawana nhomba, ingava yekutanga kana dzose dziri mbiri.

America iye zvino iri mubishi kubayawo nhomba kuvana vane makore ari pakati pegumi nemaviri negumi nemasere.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muWest Virginia muAmerica, VaJonah Masiya, vanoti zvinooneka kuti America inenge iri kukwanisa kurwisana neCovid-19 nekuti huwandu hwevari kubatwa kana kufa huri kuramba huchidzikira.

Asi VaMasiya vanoti kuti izvi zvinyatsobudirira vanhu vose vanofanirwa kuzvipira kubayiwa nhomba yekudzivirira denda iri.

Hurukuro naVaJonah Masiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG