Accessibility links

Breaking News

Pane Zvakawanda Zvinofanirwa Kuitwa Kuitira Kuti Zimbabwe Iremekedzwe Munyaya dzeSarudzo


. Assistant Secretary of State Johnnie Carson
. Assistant Secretary of State Johnnie Carson

Masangano ekuAmerica eInternational Republican Institute neNational Democratic Institute, ayo akaongorora sarudzo gore rapfuura, anoti kunyange hazvo paine shanduko yave kuitika munyaya dzematongerwo enyika nekuvandudzwa kwemutemo zvichitevera sarudzo idzi, pachine zvakawanda zvinoda kuitwa kuitira kuti shanduko iyi itambirwe nemapato ese neveruzhinji munyika.

Vachitaura mushure mekushanya munyika kwemazuva mashanu kuzoongorora kuti ndezvipi zvaitwa nehurumende kubvira paitwa sarudzo idzi, vaitungamira chikwati ichi, cheZimbabwe International Election Observer Mission, Ambassador Johnnie Carson, vati zvinofadza kuti pane zviri kuitwa nehurumende kugadzirisa zvinhu zvavakati zvigadziriswe kuitira kuti nyika ikwanise kuita sarudzo dzakachena.

VaCarson vati zvinofadza kuti hurumende neparamende zviri kutora matanho ekusandura mitemo yesarudzo, mitemo yekutapwa kwenhau pamwe nemimwe iyo yakanzi nenyika nemasangano akawanda inokanganiswa kufambiswa kwesarudzo zvakanaka.

Mitemo iyi inosanganisira Public Order and Security Act, Access to Information and Protection of Privacy.

Vatiwo vanofara kuti mutauriri weNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vavavimbisa kuti paramende ichatungamidza kusandurwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo.

Asi vati zvose izvi zvinofanira kuitwa pachinzikwa pfungwa dzemapato anopikisa, masangano anoshanda akazvimirira, pamwe neveruzhinji sezvo paine chichemo chekuti izvi hazvisi kuitika

Vatiwo hurumende inofanira kusandura mitemo inoona nezvekuchengetedzwa kweveruzhinji nemashandire emauto kuti vanhu vakwanise kuwana kodzero dzavanopihwa nebumbiro remitemo yenyika dzakaita sekuungana pavanoda, kutaura zvavanoda pamwe nekuzvishandira.

Vaenderera mberi vachiti mauto haafaniri kushandisa chisimba mukumisa vanhu vanenge vachiratidzira uye kuti masangano akazvimirira, mapato anopikisa nevanhuwo zvavo vanofanira kubvumidzwa kuratidzira uye kuti vaite izvi murunyararo.

VaCarson vati izvi zvinofanira kuitwa nekukasika uye vanoona sekuti kana izvi zvikaitwa, Zimbabwe inogona kuita sarudzo dzakachena izvo zvinounza hutongi hwejekere.

Vatiwo hurumende inofanira kutevedza zvakataurwa nemasangano emuno neekunze akaongorora sarudzo idzi akaita seSouthern African Development Community ne African Union.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reRevolutionary Research Institute of Zimbabwe, VaTjenesani Ntungakwa, vanoti vanobvumirana nemaonero echikwata chaVaCarson ekuti munhu wese weZimbabwe anofanira kuve nechekuita neshanduko iri kuita muZimbabwe.

Hurumende yakatoumba komiti yemapazi ayo edare remakurukota kana kuti Committee for Political and Electoral Reforms iyo iri kutungamira basa rekuvandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nesarudzo.

Komiti iyi inotungamirirwa negurukota rezvemutemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi.

VaCarson, avo vakambove mutevedzeri wemukuru anoona nenyaya dzemuAfrica mubazi reAmerica rezvekudyidzana nedzimwe nyika vakapinda munyika nechikwata chavo mazuva mashana apfuura vakasangana nemakurukota ehurumende, masangano anoshanda akazvimirira pamwe nemakomisheni akasiyana siyana.

Chinangwa chavo change chiri chekuda kuziva kuti ndezvipi zvaitwa nehurumende mukugadzirisa zvinhu zvinonzi nemasangano akaoongorora sarudzo zvaifanira kugadziriswa kuti nyika iite sarudzo dzakachena mune remangwana.

Nemusi weChipiri, dare repamusoro rakapa mutongo wekuti makambani ehurumende, eZimbabwe Broadcasting Corporation neZimpapers ainge atyora bumbiro remitemo yenyika pasarudzo nekushanda akarerekera kune rimwe bato pamwe nekunyima mapato anopikisa mukana wekushambadza nekuburitsa nyaya dzavo dzesarudzo gore rapfuura.

Izvi ndezvezvimwe zvezvinhu zvinonzi nevakaongorora sarudzo zvinofanira kugadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG