Accessibility links

Breaking News

America Yokurudzira Kuremekedzwa kweKodzero dzeVanhu muZimbabwe


Hurumende yeAmerica neChipiri yakaburitsa gwaro rekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe. Gwaro iri rinotarisa zvakaitika gore rapera, uye rinoburitswa kamwe chete pagore.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvematongerwo enyika pamwe nehupfumi pamuzinda weAmerica muZimbabwe, Muzvare Amanda Potter, vati Zimbabwe inofanirwa kukoshesa kodzero dzezvizvarwa zvayo.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri, Muzvare Potter vatiwo Zimbabwe inofanira kukoshesa kodzero dzevanhu kunyange hazvo vachiti kutyorwa kwekodzero idzi kwanga kuri nani muna 2009 zvichienzaniswa nemuna 2008.

Pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzevanoita zvematongerwo enyika pamwe nevanomirira vashandi, Muzvare Potter vati hurumende yeZimbabwe yakatyora kodzero dzevatongi vemumatare edzimhosva pamwe nenhengo dzesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi reWoza.

Muzvare Potter vati Zimbabwe inofanirawo kupa zvizvarwa zvayo mukana wekutaura chokwadi chezvakaitika munguva yapfuura kusanganisira zvakaitika munguva yeGukurahundi kuitira chirongwa chehurumende chokuregererana nokukanganwirana kana kuti national healing chibudirire.

Muzvare Potter vatiwo Zimbabwe yave nevanhu vakawanda vari kubuda munyika vachienda kune dzimwe nyika zvichitevera kuoma kwehupfumi. Vatiwo Zimbabwe yave kushandiswa senzira nezvizvarwa zvedzimwe nyika kuenda kune dzimwe nyika kwavanonoita zvehupfamb.

Gwaro reHuman Rights Report rinoburitswa kamwe chete pagore nebazi reBureau of Democracy, Human Rights and Labor muhurumende yeAmerica.

Muzvare Potter vati kutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika kwave nane zvichitevera kuumbwa kwakaitwa hurumende yemubatanidzwa kunyange hazvo vachiti pane dzimwe kodzero dziri kuramba dzichingotyorwa dzakafanana nedzevatori venhau.

XS
SM
MD
LG