Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Misangano Yaitwa naVaDonald Trump naVaJoe Biden Inobudisa Kusiyana kweMaonero eVaviri Ava

VaDonald Trump naVaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vebato reRepublican Party, naVaJoe Biden, vachamirira bato reDemoctratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika, vaita misangano vachipindura mibvunzo yevanhu vari mumatunhu akasiyanasiyana.

VaTrump vaita musangano wavo, kana kuti Townhall, kudunhu reFlorida, ukuwo VaBiden vachiitawo wavo vari mudunhu rePennyslavania.

VaTrump naVaBiden vachakwikwidzana musarudzo yemutungamiri weAmerica ichaitwa nemusi wa 3 Mbudzi gore rino.

Nyaya yanyanya kutaurwa pamusoro payo pamisangano miviri iyi ndeye chirwere cheCovid-19 nemabatirwo achakaitwa nehurumende yaVaTrump. VaTrump varumbidza basa ravaita kusvika pari zvino uye mamiriro akaita zvinhu munyika, asi VaBiden varatidza kuve nedzimwe pfungwa panyaya iyi.

VaTrump vasvika padyo nekubvuma kuti vane zvikwereti zvinoita mamiriyoni mazana mana emadhora, nyaya yakazara mumapepanhau uye yavasingafariri kutaura nezvayo.

Panyaya dzezvehutano, VaTrump vati chirongwa chekubatsira vanhu kana varwara, chinonzi Obamacare, vachachibvisa vagoisa chavo chavanoti chiri nani asi havana chavataura kuratidza kuti izvi zvichaitika sezvo vave nemakore vachitaura izvi.

Panguva iyo chirwere cheCovid-19 chave kubata vanhu vakawanda zvekare muAmerica, VaTrump vati nhomba yekudzivirira kutapurira chirwere ichi wave padyo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvinorambwa navanamazvikokota avo vanoti mushonga wekurapa coronavirus uchiri kure uye zvehupfumi hazvina kumira zvakanaka sezvo mamiriyoni mazhinji evanhu akarasikirwa nemabasa avo, uye makambani mazhinji akatovharwa zvekuti haachakwanisi kudzoka.

VaBiden vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo dambudziko guru renyika riri rekushaya hutungamiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kweawa yose, VaTrump havana kupindura zvakakwana, mibvunzo yavange vachibvunzwa kubva panyaya yekushandisa mamasiki, kukurudzira masangano anoda zverusarura, nezvavanoda kuunza kana vabvisa Obamacare.

VaBiden vavimbisa kupa pfungwa yavo pamusoro pekuwedzera huwandu hwemajaji edare guru, reSupreme Court, kana vakakunda musarudzo.

Muzvinafundo Elliot Masocha, vepa DeVry University, avo vange vakatarisa nekuterera vaviri ava vachipindura mibvunzo, vanoti hapana chitsva chabuda kana chataurwa, vachiti chanyanya kuonekwa kusiyana kwevarume vaviri ava mupfungwa nemaitiro avo.

VaMasocha vati VaBiden vakwanisa kuudza vanhu zvavanoda kuzovaitira kana vakakunda musarudzo asi VaTrump vapedza nguva vachingozvirumbidza pachinhambo chekuudza vanhu kuti sei vachida kupiwa mamwe makore mana ekutonga.

VaMasocha vati VaTrump vatambisa mukana wekukurudzira vanhu kuti vashandise mamasiki sezvo ivo vakambobatwavo nechirwere ichi uye apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi munyika huchiramba huchikwira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

VaBiden Voenderera Mberi Vachishandura Zvakasiya Zvaitwa naVaTrump

President Joe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakazivisa zviri pamutemo zviri mubhiri ravo rekuvandudza mitemo inobata kupinda nekugara muAmerica kwevanhu vanobva kune dzimwe nyika.

Bhiri iri rikatambirwa kuva mutemo, rinopa mukana kumamiriyoni gumi rerimwe evanhu vari muAmerica zvisiri pamutemo, kusanganisira vana vavo vakapinda muAmerica vari vadiki.

Bhiri iri riri kutsigirwa nemari inoita mabhiriyoni mana emadhora achashandiswa mukati memakore mana mukurwisa huori, kusimbaradza kuchengetedzwa nekubudirira kwevabvakure munzvimbo dzavanogara.

Bhiri iri rine hurongwa hwekuvaka nzvimbo mudunhu reCentral America yekumisa vabvakure vanoda kuenda kumuganhu weAmerica neMexico nechinangwa chekupinda muAmerica zvisiri pamutemo.

Gweta rezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika, VaEmmanuel Ncube-Socks, vanoti nyaya dzinobata vabvakure dzasvika pakaoma muAmerica nekuti dzave kutorwa senyaya dzerusarura ganda.

VaSocks vanoti VaBiden vari kuda kugadzirisa zvinhu zvakawanda zvavanoti zvakasiya zvakanganiswa nevanga vari mutungamiri weAmerica kwemakore mana apfuura, VaDonald Trump, asi VaBiden vachiti vachashandisa paramende, kwete zvekushandisa masimba avo semutungamiri wenyika, kana kuti Executive Order, sezvaigara zvakaitwa naVaTrump panyaya dzakadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chando Chovhiringa Vanhu Zana neMakumi Mashanu eMamiriyoni muAmerica

Motikari iyi yakaputirwa nechando mudunhu reNew Jersey

Vanhu vanopfuura mamiriyoni zana nemakumi mashanu muAmerica vari mukati mechando chisati chamboonekwa munzvimbo dzeAmerica idzi kubva kumahombekombe egungwa reGulf of Mexico kusvika kumuganhu neCanada.

Chando ichi chinonzi chauraya vanhu gumi nevanomwe mu America uye chiri kunyanya kubata matunhu ekuchamhembe kweAmerica zvichikwidza kumusoro uye nechapakati penyika.

Dunhu reTexas ndiro rinonzi riri kunyanya kuvhiringwa nechando chinonzi chiri kukonzera tsaona dzakawanda mumigwagwa.

Vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti chando chiri mudunhu reTexas hachisati chamboitika kwemakore makumi matatu nemaviri, vachiti panhandare yendege, yeHouston Intercontinental Airport, pari kutonhora zvisingaiti.

Vanoona nezvemagetsi vanoti chando ichi chakatonhora zvekuvhiringa michina inogaya izvo zviri kupa kuti magetsi mashoma shoma awanikwe. Vanhu vanoita mamiriyoni mana vakavhiringwa nechando ichi uye mamiriyoni maviri nechidimbu havana magetsi mudzimba dzavo.

Chizvarwa cheZimbabwe, VaPromise Sande, avo vanogara kuSouth Carolina, vanoti chando ichi chiri kufamba chakananga kumaodzanemba nekumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAmerica uko chiri kukonzera matambudziko makuru kuvanhu vari mumatunhu aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

America Yoronga Kuumba Komisheni Ichaongorora Mhosva Yakapunyuka VaTrump?

Amai Nancy Pelosi

Mutauriri we US House of Representatives, Amai Nancy Pelosi, vanoti paramende ichaumba komisheni yakazvimirira ichaongorora chokwadi nezvikonzero pamusoro pemhirizhonga yakaitika paCapitol Hill musi wa 6 Ndira pakafa vanhu vashanu, pakakuvara vanhu vazhinji pamwe nekupunzwa kwezvinhu.

Amai Pelosi vanoti komisheni iyi ichange yakafanana nekomisheni yakaumbwa mushure menjodzi yakaitika musi wa 11 Gunyana, 2001 apo vanopfurikidza mwero vakabvuta ndege vakadzishandisa semabhambu kuparadza zvivakwa kuNew York nemuVirginia.

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakapunyuka pamhosva yavaipomerwa yekupesvedzera vatsigiri vavo kuita mhirizhonga paCapitol Hill.

Mazuva mashoma apfuura, dare re Senate rakawana VaTrump vasina mhosva yavaipomerwa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti komisheni inoongorora zvakadzama inofanirwa kuumbwa nekuti zvese zvakaitika, pamwe chete nezvikonzero, zvinofanirwa kubudiswa pachena kuitira kuti zvakadai zvisaitika zvekare.

Muzvinafundo Masocha vanoti zvakaitika izvi zvinokanganisa kuchengetedzwa kwenyika sezvo vatungamiri veAmerica vakange vakaungana pamwe chete.

Muzvinafundo Masocha vanoti chakanakira komisheni iyi ndechokuti ichaumbwa mushure mekudzikwa kwemutemo uchaipa masimba ekuita basa iri, izvo zvichaitwa nevamiriri vemapato ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi Dzozeya reMangwana raVaTrump

VaDonald Trump

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakachenurwa nemusi weMugovera nedare reSenate iro rakavawana vasina mhosva yavakanga vachipomerwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo nezvematongerwo enyka dzinoti kuchenurwa kwaVaTrump uku kunovapa mukana wekukwikwidza zvekare mugore ra 2024, ndokana bato ravo ravatambira pamusangano mukuru weRepublican Party unotambira zviri pamutemo munhu anomirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaSilas Chekera, vanoti sekutaura kwakaitwa nemukuru weRepublican Party mudare reSenate, VaMitch McConnell, vachiti VaTrump vakapara mhosva, kunyange havo vasina kuvhota vachiroverera VaTrump nemhosva, VaTrump vanogona kuendeswa kumatare edzimhosva kwavanogona kutongwa vachiwanikwa vaine mhosva.

VaChekera vanoti pane dzimwe mhuri dzichadavo kuendesa VaTrump kumatare edzimhosva pamusoro pemhirizhonga iyi.

VaChekera vanoti pari zvino, magweta makuru emumatunhu eNew Yourk neGeorgia ari kutarisisa mhosva dzinonzi dzakaparwa naVaTrump izvo zvinogona kuvhiringa mukana yaVaTrump yekukwikwidza zvekare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reSeneti Rinoti VaTrump Havana Mhosva Yavakapara

Impeachment trial of former U.S. President Trump concludes in Washington

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vawanikwa nedare reSeneti vasina mhosva yavanga vachipomerwa yekupesvedzera vatsigiri vavo kuita mhirizhonga musi wa Ndira 6 iyo yakasiya vanhu vashanu vafa, kusanganisira mupurisa aive pabasa.

Iyi yanga iri mhosva yechipiri mukati megore VaTrump vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo yenyika.

VaTrump vapunyuka mushure mekunge mavhoti atadza kusvika makumi matanhatu nemanomwe anodiwa nemutemo kuti munhu abatwe nemhosva.

Maseneta makumi mashanu nemanomwe anosanganisira eDemocratic Party makumi mashanu, neeRepublican Party manomwe, avhotera kuti VaTrump vabatwe nemhosva iyi, ukuwo maseneta eRepublican Party makumi mana nematatu, avhota achiramba kuti VaTrump vakapara mhosva.

Kutongwa kwenyaya iyi kwasvika kumagumo mushure memamazuva mashanu vachuchisi veDemocratic Party vachitatsurana nemagweta aVaTrump.

VaTrump vakapedza temu yavo musi waNdira 20, mushure mekukundwa musarudzo naVaJoe Biden veDemocratic Party, avo vakatoreswa mhiko musi wa Ndira 20.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kuwanikwa kwaVaTrump vasina mhosva kunovapa mukana wekuti vakwikwidze musarudzo munguva inotevera.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG