Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

America Inotemera Zvirango Vasori Vana vekuIran

VaAntony Blinken

America yatemera zvirango panhengo dzevasori vehurumende yeIran zvichitevera kupomerwa mhosva kwadzakaitwa negweta rekuchamhembe kwedunhu reNew York, iro rakati vasori vana ava vakaedza kubvuta mugari weAmerica kuti vamuendese zvechisima kuIran.

Munhu wavakaedza kubvuta ndiMasih Alinejad, mutori wenhau akazvarirwa kuIran asi ave mugari wemuAmerica.Alinejad murwiri wekodzero dzavanhu, anoshora zvikuru hurumende yeIran uye anechirongwa chaanokokera panhepfenyuro yeVoice of America.

Gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, vanoti zvakaedza kuitwa nevasori vekuIran ava zvinotyora mitemo yepasi pose yekudyidzana kwenyika, vachiti America inoona kuti Iran inoda kushungurudza zvimwe zvizvarwa zveAmerica, kusanganisa vashandi vehurumende neavo vaimboshandira hurumende yeAmerica.

Vasori vana vakatemerwa zvirango ava vakuruvakuru mubazi revasori muIran, vanosanganisa Alireza Shahvaroghi Farahani, uyo anotungamira bazi revasori rine vamwe vasori vatatu vatemerwavo zvirango neAmerica, vanoti Mahmoud Khazein, Kiya Sadeghi, naOmid Noor.

VaBlinken vanoti chikwata chevasori ichi hachina kutumwa kuzobvuta mutori wenhau uyu chete, asi zvizvarwa zveIran zvisingawirirani neIran zvinogara muUnited Kingdom, Canada, nekuUnited Arab Emirates.

Vasori vana ava vanonzi vanoita basa sekutumwa kwavanenge vaitwa nebazi rehurumende yeIran rinoona nezveruzivo nekuchengetedzwa kweIran, kana kuti Ministry of Intelligence and Security (MOIS), iro rinonyanya kutyiwa nevanhu muIran. Bazi reMOIS rakatemerwavo zvirango neAmerica.

Bazi reAmerica rinoona nezvemari, reUnited States Treasury Department, rinoti MOIS inoitira hurumende yeIran basa guru mukutyora kodzero dzevanhu veIran, richitizve kudzvanyirirwa kwezvizvarwa zveIran zviri muIran nekunze kwenyika, kwakaita sekuEurope nekune dzimwe nyika, kuri kuitwa neMOIS.

Kutemerwa zvirango kwaitwa vasori vana ava kunorevavo kuti zvose zvavanazvo muAmerica hazvisisiri mumaoko mavo uye hapana munhu ari muAmerica anobvumidzwa kuita zvemabhizimisi navo uye mabhanga nemamwe makambani anoitabasa rezvemari vachatemerwavo zvirango kana vakafambisa mari yevasori vana ava.

VaBlinken vanoti America haizoregi vatori venhau vachityisidzirwa kana kunyaradzwa, vachiti America ichaona kuti vanoita izvi vanosungiswa.

VaBlinken vanoti America haidi kuona kurwiswa kwezvizvarwa zveAmerica muAmerica kana kunze kweAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

VaDevine Mafa Voita Mabhizinesi eMota Dzinoshandisa Simba reMagetsi

VaDevine Mafa

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, VaDivine Mafa, vanoti vakabatana neshamwari dzavo dzepadandemutande mukugadzira mota dzinoshandisa simba remagetsi dziri kutoshanda munzvimbo dzakasiyana siyana muZimbabwe.

VaMafa vanoti mhando dzemokari idzi dzinoshandisa mabhatiri nemafuta epeturu mashoma ayo ari kuramba achikwira mitengo munyika.

VaMafa, avo vanogara kuTennessee, vanoti vakakwanisa kuendesa kumusha mota gumi dziri munzvimbo dzinoti Kwekwe, Victoria Falls ne Harare dzinofamba nemavhiri matatu.

Asi VaMafa, avo vane kambani inonzi Hende Moto, vanoti mota idzi hadzikwanise hadzo kufamba dzendo ndefu pari zvino asi shuwiro yavo ndeyekuti munguva inotevera vakwanise kuita mota dzinokwanisa kufamba dzendo dzefu..

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


General Colin Powell Vanoshaya Mushure Mekurwara neCovid-19

VaColin Powell

General Colin Powell avo vakava munhu mutema wekutanga kuva gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica vakashaya neMuvhuro mushure mekurwara nechirwere cheCovid-19.

VaPowell vanonzi vange vakabayiwa nhomba dzose dzeCovid-19 asi vainge vari pavanhu vari munjodzi yekufa nechirwere ichi sezvo vange vaine gomarara muropa mavo zvinopa kuti masoja emuviri akundikane dzimwe nguva kudzivirira kufa neCovid-19.

VaPowell vange vave nemakore makumi masere nemana. Mhuri yaVaPowell yaburitsa mashoko erufu rwavo padandemutande ravo reFacebook vakatenda vashandi vepachipatara chemauto muAmerica cheWalter Reed National Medical Center pedyo neWashington DC. VaPowell vakaita gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika kubva muna 2001 kusvika 2005 muhurumede yevaive mutungamiri wenyika VaGeorge W. Bush.

General Powell vainge vari mumauto kwemakore makumi matatu nemashanu uye vakava sachigaro wemauto ose kana kuti Joint Chiefs of Staff kubva muna 1989 kusvika 1993 pasi pehurumende yaVaGeorge H. W Bush, baba vava George W. Bush uye vakashanda muhurumende yaVaBill Clinton.

VaGeorge Bush naGen. Colin Powell
VaGeorge Bush naGen. Colin Powell

Kubva muna 1987 kusvika 1989 vainge vari chipangamazano chemutungamiri wenyika VaRonald Reagan.

Kunyangwe vainge vari vebato remaRepublians muna 2008 vakati vaitsigira VaBarack Obama musarudzo dzemutungamiri wenyika vaive kubato remaDemocrats.

VaPowell avo vakaudza United Nations muna 2003 kuti Iraq yaive nezvombo zvenuclear nemimwe michetura zvakazopa kuti hurumende yaVaSaddam Hussein ipidigurwe nemauto eAmerica vakazokumbira ruregeroro vachitenda kuti chaisava chokwadi.

Muzvinafundo Moses Ruman vanodzidzisa paFriends University kuOhio muno muAmerica vaudza Studio 7 kuti VaPowell vakaratidza kuti munhu mutema akapihwa mukana anokwanisa kutungamira pasina dambudziko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Muimbi R Kelly Anowanikwa Aine Mhosva Dzose Dzaakapomerwa

R. Kelly

Muimbi ane mukurumbira pasi pose, Robert Sylvester Kelly, uyo anozivikanwa nezita rekuti R Kelly, atarisana nekuvharirwa mujeri kwehupenyu hwake hwose.

Dare redzimhosva rakatonga R Kelly nezuro muBrooklyn, New York, rakamuwana aine mhosva dzose dzaakange achipomerwa, dzinosanganisira kuita zvepabonde nevasikana vasati vabva zera, kumanikidza vanhukadzi nevasikana vasati vabva zera kuita zvepabonde, kuronga nevamwe vake kutsvaka vanhukadzi nevanasikana vasati vabva zero kuti vaite zvechifambi uyewo kumanikidza vanhukadzi nevasikana vasati vabva zera kuti vagare naye pamba pake ivo vasingadi.

Kwemakore mazhinji, R Kelly akange ari muimbi ari pamusoro pevamwe vaimbi venziyo dze Rhythm & Blues.

Dzimwe nziyo dzakaitisa R Kelly mukurumbira dzinosanganisira "I Believe I Can Fly", "Bump N' Grind" nedzimwe zhinji uye akawana mibaiyiro yakawanda.

Kwemakore akawanda vaimbi vazhinji, varume nevakadzi nevadiki, vaiedza kuti R Kelly avabatsirewo kuti vabudirire mubasa rekuyimba.

Mumwe wevasikana vechidiki ava ainzi Aaliyah, uyo akaita mukurumbira akazofa mutsaona yendege.

Bepanhau reChicago Sun Times rinoti R Kelly, uyo akanga aine makore makumi maviri nemanomwe (27) nemwana musikana waakange achidzidzisa zvekuimba ainzi Aaliyah Dana Haughton, akange aine makore gumi nemashanu (15), vakachata muchivande muna 1994 mushure mekubudisa kwa R Kelly magwaro ainyepa zera raAaliyah.

Izvi zvinonzi apa R Kelly aiedza kuvharidzira mhosva yekupa nhumbu mwana akange asati abva zera.

Aaliyah akashaya mutsaona yendege kuBahamas muna 2001, aine makore makumi maviri nemaviri asi matare edzimhosva akanga agura muchato wake kuna R Kelly.

Kubva kumakore eku ma1990, pakange pane mitauro pamusoro pezvakanga zvichinzi zviri kuitwa naR Kelly kuvanhukadzi nevana vasati vabva zera.

Kunyangwe hazvo vanhu vaiziva zvakanga zvichiitwa naR Kelly, havana kutaura pachena kusvika muna Ndira 2019 apo pakabudiswa firimu, Surving R Kelly, raitaura pamusoro pevanasikana vasina kubva zera vakaitiswa zvepabonde uye vanhukadzi vakamanikidzwa kugara mumba maR Kelly vasingadi.

Dare redzimhosva rakatonga nyaya iyi razivisa kuti richapa mutongo waR Kelly musi wa4 Chivabvu gore rinouya.

Nyanzvi munezvehutano hwepfungwa, kana kuti Mental Health, Doctor Gadziro Gwekwerere, vanoti pane zvidzidzo zvizhinji zvatinowana pamuimbi R Kelly, vachiti munhu anotarisirwa zvepamusoro anogona kurasa chivimbo chevanhu vanovimba naye.

Vanoti veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti kuita mukurumbira kwemunhu hakurevi kuti munhu anenge akanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mitemo Inowomesera Vanhu kuVhota Inodzikwa muDunhu reTexas

Gavhuna vedunhu reTexas, VaGreg Abbott

Gavhuna vedunhu reTexas muAmerica, VaGreg Abbott, vasaina bhiri rezvekuvhota, rinonzi SB 1, vachiti kuvhota kwava kuzoitwa zvakanaka mudunhu reTexas pamusoro pebhiri iri.

Bhiri iri, iro rinodiwa nevatsigiri vebato reRepublican Party, richawomesera vanhu vazhinji pakuvhota.

Bhiri iri rinorambidza kuti munhu avhote ari mumotikari, izvo zvanga zvichirerutsira vanhu kwemakore mazhinji.

Bhiri iri, rinorambidzavo kuti pave nenzvimbo dzekuvhotera dzisingavharwi husiku nemasikati.

Vanoshora bhiri iri vanoti rinokonzera kuti vanhu vazhinji vatadze kuvhota, zvikuru sei vasiri vechichena.

Matunhu eAmerica gumi nemasere anotongwa nemagavhuna eRepublican Party ari pakati pekunyora nekudzika mitemo inowomesera vanhu veAmerica vanoda kuvhota, izvi zviri kushorwa nevanorwira kodzero dzevanhu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda mudunhu reTexas iri, VaKennedy Masiye, vanoti vanhu vazhinji havasi kufara pamusoro pebhiri iri, kunze kwevatsigiri vebato reRepublican party.Vanotivo masangano mazhinji atozivisa kuti arikuenda kumatare edzimhosva kunoedza kumisa mutemo uyu.

VaMasiye vanoti mitemo iri mubhiri iri ichatanga kushanda mushure memwedzi mitanhatu kana bhiri iri rikasamiswa nematare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG