Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Mutungamiri weAmerica, VaBiden, Vokurudzira Mhuri yeAmerica Kushanda Pamwe Navo Mukurwisana neCovid-19

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vakurudzira mhuri yeAmerica kuti ibatane navo mukurwisana nedenda reCovid-19 vachiti pasvika America mukurwisana kwayo neCovid-19 hapachakwanisi kudzokera kumashure.

VaBiden, avo vati vanogara nebepa muhomwe mavo rinoratidza huwandu hwevanhu vemuAmerica vari kufa neCovid-19 zuva nezuva, vati haisisiri nguva yekurega kushandisa zvekuvhara muromo nemhuno, kana kuti ‘mask’, kugeza maoko kana kurega kubaiwa nhomba.

Vakumbira kuti vanhu vavabatsire mukurwisana neCovid-19, vachiti havangazviiti vari voga, vachiti veruzhinji vangabatsira zvikuru kana vakaita zvose zvavanoudzwa navanachiremba.

"Ndinovimbisa kuti ndichaita zvose zvandinogona. Handisi kudzokera shure, asi ndinoda kuve nemi vanhu vemuAmerica, ndinokudai. Ndinoda kuti chizvarwa chose cheAmerica chiite pacho.

"Ndinoda kuti mubaiwe nhomba kana nguva yenyu yasvika kana mawana mukana kuitira kuti mubatsire mhuri dzenyu, shamwari dzenyu, vavakidzani venyu, kuti vabaiwewo nhomba.

"Nekuti chinangwa ndechichi, kana takaita zvose izvi pamwechete, panosvika Chikumi 04 pane mukana wakanaka wekuti imi nehama dzenyu neshamwari dzenyu munenge mave kukwanisa kusangana mudzimba dzenyu kana mamunogara muchiita mabiko ekupemberera zuva rekuzvitonga," Vadaro VaBiden.

Vati hapana rukudzo runopfuura kuvimbiwa navo pakuchengetedza hutano nehupenyu hwevanhu vemuAmerica.

Mutungamiri wenyika vaudzawo vanhu kuti Covid-19 inofanirwa kukundwa kuti zvinhu zvidzokere pazvakange zviri. Vati kubva musi wa 01 Chivabvu vanhu vakuru vose muAmerica vanogona kunyoresa kubaiwa nhomba sezvo hurumende iri kutenga mishonga yenhomba inokwanira vanhu vose.

"Ndiri kuzivisa kuti ndichaita kuti matunhu ose aite hurongwa hwekuti munhu wese ane makore gumi nemasere zvichikwira anokodzera kubaiwa nhomba ange agadzirira kubaiwa nhomba panosvika Chivabvu 01.

"Regai ndidzokorore zvakare. Vese zvizvarwa zveAmerica vakura vanofanirwa kunge vagadzirira kuwana nhomba panosvika Chivabvu 01, kudarika nguva yanga ichitarisirwa. Regai ndijekese zvakare. Hazvirevi kuti munhu wese achabaiwa.

"Asi kuti unenge wave kukwanisa kuwana mukana. Kubva Chivabvu 01 munhu wese akura anenge ave kukwanisa kubaiwa nhomba. Kuti izvi zviitike, tichange tave kubva panhomba miriyoni imwechete dzandakavimbisa dzisati dzatora mhiko muna Zvita, kuenda pamamiriyoni maviri pazuva."

VaBiden varumbidzavo bhiri ravakasaina nemusi weChina, rinonzi ‘American Rescue Plan’, iro richashandisa mari inoita matiririyoni maviri emadhora eku America kuti imutsidzire makambani nemabhizimisi akavhiringwa neCovid-19, pamwe chete nekubatsira zvikoro nematunhu.

Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College, kuMassachusetts, Muzvinafundo Chipo Dendere, vanoti VaBiden vataura zvakanaka pamusoro pekurwisana neCovid-19, vachiti kukumbira rubatsiro kubva kuvanhu kwavaita zvaratidza kuti Covid-19 ihondo yevanhu vose.

Vanoti kuzvininipisa mukutaura kwavaita nevanhu kuchaita kuti vazhinji vateerere nekuita zvizhinji zvavari kukurudzira vanhu kuti vaite.

Muzvinafundo Dendere vanoti bhiri raVaBiden rekubatsira vanhu chinhu chikuru chichataurwa kwemakore mazhinji ari kuuya sezvo richibata munhu wese, makambani nemabhizimisi muAmerica.

Hurukuro naProfessor Chipo Dendere
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Assange Otsika Madziro Pakuda Kuendeswa muAmerica Kunotongwa

Vatsigiri vaJulian Assange vachiratidzira kuti Assange asadzorerwa kuAmerica kunotongwa
Vatsigiri vaJulian Assange vachiratidzira kuti Assange asadzorerwa kuAmerica kunotongwa

Gakava guru pakati pehurumende yeAmerica nemagweta emutori wenhau akavamba sangano reWikileaks, rinofushunura nyaya dzekusora kunoitwa nehurumende dzeapasi rino, vaJulian Assange, rachanzvikwa mudare repamusoro, reHigh Court kuBritain, kutanga nhasi, Chipiri.

Assange ari kuramba kudzorerwa kuAmerica kunotongwa nemhosva yekubudisa pachena zvakavanda pakudyidzana kwe America nedzimwe nyika.

Kunzwikwa kwenyaya iyi kunoonekwa semukana wekupedzisira wekuti Assange amise kudzorerwa kwake kuAmerica kunotongwa ikoko.

Assange, uyo akazvarirwa kuAustralia, ave nemakore gumi nematatu ari mujeri muBritain achirwisa kuti asadzorerwa kuAmerica.

Vachuchusi veAmerica vanopomera Assange mhosva gumi nesere dzekubudiswa zvakavanda nekambani yake yeWikileaks, zvinosanganisa zvemauto uye hurukuro pakati pehurumende yeAmerica nevamiriri vayo kune dzimwe nyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakakosha kuti munhu anenge apara mhosva atongwe munyika yaakapara mhosva yacho kuitira kuti vanhu vasaona sekuti vanogona kupara mhosva kune imwe nyika vachizonopotera Kane imwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reSenate Rinopasisa Bhiri Rekubatsira neMari Ukraine, Israel neTaiwan

Mutungamiri weUkraine, Va Volodymyr Zelensky, vachifamba vari pakati pa VaChuck Schumer na VaMitch McConnell
Mutungamiri weUkraine, Va Volodymyr Zelensky, vachifamba vari pakati pa VaChuck Schumer na VaMitch McConnell

Mushure memwedzi yakawanda pachiitwa gakava, dare reSenate muAmerica rakazopasisa bhiri remari inodarika madhora mabhiriyoni makumi mapfumbamwe nemashanu ($95.3 billion) yekubatsira Ukraine, Israel neTaiwan.

Bato reRepublican Party ndiro ririkuramba kuti America ishandise mari yakawanda mukubetsera dzimwe nyika asi, kuti bhiri iri ripase mudare reSenate, vamiriri veRepublican Party makumi maviri nevaviri vakavhota vakabatana nevamiriri veDemoctratic Party bhiri iri rikapasiwa nemavhoti makumi manomwe, ukuwo mavhoti makumi maviri nemapfumbamwe achiramba kurivhotera (70-29).

Asi kuti bhiri iri rive mutemo pachine makata sezvo dare reHouse of Representatives richifanira kutambira bhiri iri risiri kuwirirana nezviri mubhiri iri.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reConcerned Citizens Zimbabwe, VaTim Muringai, vanoti bhiri iri rinokosha zvikuru ku mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, sezvo richigona kuvawanira mavhoti mazhinji musarudzo dziri kuuya kana rikabudirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reFederal Court Of Appeal Rinoti VaDonald Trump Vanogona Kutongerwa Mhosva Dzavanonzi Vakapara Pavaiva Mutungamiri WeAmerica

Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump
Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump

Rimwe dare repamusoro, kana kuti Federal Court of Appeal, remuguta guru reAmerica, reWashington DC, nezuro rakaramba kutambira chikumbiro chevaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, chekuti havakwanise kuendeswa kumatare nekuti mhosva dzavari kupomerwa dzakaitika vari mutungamiri wenyika.

Mhosva idzi dzinosanganisira imwe yekuti vaida kukanganisa nyaya dzehutongo hwejekerere uye kuda kurambira pachigaro pavakakundwa musarudzo nevave mutungamiri wenyika, VaJoe Biden muna 2020.

VaTrump vari kutarisirwa kupikisa mutongo uyu.

Vachinyora padandemutande ravo reTruth Social mutungo usati hwapihwa, VaTrump vainge vayambira kuti kuda kuvaendesa kumatare kunogona kureva kuti mutungamiri wose wenyika yeAmerica akasiya basa anenge ozvuzvurudzwa kuenda kumatare neanenge amukunda.

Gweta uye vachishanda nesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanoti VaTrump vachine mukana wekuti nyaya yavo inzwikwe nedare repamusorosoro, reUS Supreme Court, vachiti dare iri ndiro rega rinogona kununura VaTrump kubva mukutongerwa mhosva dzavanonzi vakapara pavakanga vari mutungamiri weAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Jill Biden Vopeta Rwendo Rwavo Rweku Africa

USA-AFRICA/FIRSTLADY-KENYA
USA-AFRICA/FIRSTLADY-KENYA

Amai Jill Biden, mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica nezuro vakapeta rwendo rwavo rwemazuva matatu kuKenya mushure mekushanyirawo Namibia.

Mutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto nemudzimai wavo Amai Rachel Ruto nevamwe vakuru vehurumende ndivo vakaperekedza Amai Biden kubva panhandare yendege yeJomo Kenyatta International Airport.

Vari muKenya, Amai Biden vakataura nezvenzira dzekupedza matambudziko enzara akonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kukurudzira kodzero dzemadzimai nekusimudzira mabasa avo.

Vakaitawo musangano nevari kushanda nehurumende pahomwe yekubatsira vanorarama nechirwere cheHIV yePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti kushanya kwa Amai Biden kunoratidza kuti murume wavo VaJoe Biden vane shungu dzekuzadzikisa chivimbiso chavakapa vatungamiri venyika dzemuAfrica vakange vari pamusangano weUS Africa Leaders' Summit muWashington muna Zvita kupera kwegore rakapera.

"Kushanya kwa Amai Biden kwakakosha parizvino sezvo dzimwe nzvimbo dzemunyika yeKenya dziri kutarisana nenzara mushure mekunetsa kwemvura zviri kukonzerwa nenyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze. Kuenda kwa Amai Biden kunzvimbo idzi kuchabatsirawo kuti dzimwe shamwari dzeAmerica dzibatane nayo mukubatsira Africa."

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mudzimai weMutungamiri weAmerica, VaBoben, Amai Jill Biden, Avo Vari Kushanya muAfrica, Vanosvika muKenya

Amai Jill Biden vari muKenya.
Amai Jill Biden vari muKenya.

Mudzimai wemutungamiri weAmerica VaJoe Biden, Amai Jill Biden, vasvika muKenya neChishanu mushure mekushanyira Namibia kwemazuva matatu.

Amai Biden vari kutarisirwa kushanyira masangano nezvirongwa zvine chekuita nemadzimai nevechidiki, kutaura nezvekufambiswa kwemari mumabhanga, zvemamiriro ekunze nezvimwewo.

Vasati vasimuka kubva kuNamibia, Amai Biden vaita musangano nevechidiki vachizeya nezvehutongi hwejekerere.

Moreblessing Makawa
Moreblessing Makawa

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muNamibia, Muzvare Moreblessing Makawa, vanoti vafadzwa zvikuru nekushanya kwaAmai Biden uye vane shuwiro yekuti nyika yeZimbabwe ivewo nehutongi hwejekerere kuitira kuti iwanewo vashanyi vakadayi vanozobatsira mukuunza rutsigiro kuzvirongwa zvinosimudzira madzimai pamwe nevechidiki.

"Shuwiro yangu ndeyekuti zvakadayi zviitikewo muZimbabwe asi zvinotoda kuti hurumende yedu itange yavandudza nyaya dzekuremekedza kodzero dzevanhu nekukoshesa hungongi hwejekerere,"Muzvare Makawa vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG