Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Chikwata cheLos Angeles Lakers Chinosimudza Mukombe weBasketball Wegore ra2019-2020

LeBron James

Chikwata chemutambo webasketball mu National Basketball Association, che Los Angeles Lakers, chakasimudza mukombe we basketball wegore ra 2019-2020 mushure mekukunda chikwata che Miami Heat nezvibodzwa 106-93.

Mukombe uyu wave we gumi ne minomwe wasimudzwa ne maLakers izvo zvavaenzanisa nechikwata che Boston Celtics chine mikombe gumi neminomwe.

Vanofarira zvemitambo, VaTafadzwa Munjanja vanoti vatambi vatatu vakatamba zvikuru ndi Lebron James na Anthony Davies, ve maLakers, kozouyavo Jimmy Butler na Edrice Adebayo ve Miami Heat.

Pamutambo wekupedzisa gore uyu, LeBron James akasimudza mukombe wemutambi anokosha, weBill Russell Trophy NBA Finals Most Valuable Player Award, ke china.

LeBron anoramba achienzaniswa nemutambi akaita mukurumbira kare, Michael Jordan, vamwe vachiti achine makore mazhinji ekutamba zvekuti achapfuura Michael Jordan panguva iyo anoemda pamudyandigere.

VaMunjanja vanoti mumutambo wekupedzisira uyu, mutambi wakakatyamadza vanhu zvikuru ndi Tyler Christopher Herro, we Miami Heat, ane makore makumi maviri, uyo vanoti wakatamba semunhu ange achitamba mumutambo uyu kwemakore mazhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

VaBiden Voenderera Mberi Vachishandura Zvakasiya Zvaitwa naVaTrump

President Joe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakazivisa zviri pamutemo zviri mubhiri ravo rekuvandudza mitemo inobata kupinda nekugara muAmerica kwevanhu vanobva kune dzimwe nyika.

Bhiri iri rikatambirwa kuva mutemo, rinopa mukana kumamiriyoni gumi rerimwe evanhu vari muAmerica zvisiri pamutemo, kusanganisira vana vavo vakapinda muAmerica vari vadiki.

Bhiri iri riri kutsigirwa nemari inoita mabhiriyoni mana emadhora achashandiswa mukati memakore mana mukurwisa huori, kusimbaradza kuchengetedzwa nekubudirira kwevabvakure munzvimbo dzavanogara.

Bhiri iri rine hurongwa hwekuvaka nzvimbo mudunhu reCentral America yekumisa vabvakure vanoda kuenda kumuganhu weAmerica neMexico nechinangwa chekupinda muAmerica zvisiri pamutemo.

Gweta rezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika, VaEmmanuel Ncube-Socks, vanoti nyaya dzinobata vabvakure dzasvika pakaoma muAmerica nekuti dzave kutorwa senyaya dzerusarura ganda.

VaSocks vanoti VaBiden vari kuda kugadzirisa zvinhu zvakawanda zvavanoti zvakasiya zvakanganiswa nevanga vari mutungamiri weAmerica kwemakore mana apfuura, VaDonald Trump, asi VaBiden vachiti vachashandisa paramende, kwete zvekushandisa masimba avo semutungamiri wenyika, kana kuti Executive Order, sezvaigara zvakaitwa naVaTrump panyaya dzakadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chando Chovhiringa Vanhu Zana neMakumi Mashanu eMamiriyoni muAmerica

Motikari iyi yakaputirwa nechando mudunhu reNew Jersey

Vanhu vanopfuura mamiriyoni zana nemakumi mashanu muAmerica vari mukati mechando chisati chamboonekwa munzvimbo dzeAmerica idzi kubva kumahombekombe egungwa reGulf of Mexico kusvika kumuganhu neCanada.

Chando ichi chinonzi chauraya vanhu gumi nevanomwe mu America uye chiri kunyanya kubata matunhu ekuchamhembe kweAmerica zvichikwidza kumusoro uye nechapakati penyika.

Dunhu reTexas ndiro rinonzi riri kunyanya kuvhiringwa nechando chinonzi chiri kukonzera tsaona dzakawanda mumigwagwa.

Vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti chando chiri mudunhu reTexas hachisati chamboitika kwemakore makumi matatu nemaviri, vachiti panhandare yendege, yeHouston Intercontinental Airport, pari kutonhora zvisingaiti.

Vanoona nezvemagetsi vanoti chando ichi chakatonhora zvekuvhiringa michina inogaya izvo zviri kupa kuti magetsi mashoma shoma awanikwe. Vanhu vanoita mamiriyoni mana vakavhiringwa nechando ichi uye mamiriyoni maviri nechidimbu havana magetsi mudzimba dzavo.

Chizvarwa cheZimbabwe, VaPromise Sande, avo vanogara kuSouth Carolina, vanoti chando ichi chiri kufamba chakananga kumaodzanemba nekumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAmerica uko chiri kukonzera matambudziko makuru kuvanhu vari mumatunhu aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

America Yoronga Kuumba Komisheni Ichaongorora Mhosva Yakapunyuka VaTrump?

Amai Nancy Pelosi

Mutauriri we US House of Representatives, Amai Nancy Pelosi, vanoti paramende ichaumba komisheni yakazvimirira ichaongorora chokwadi nezvikonzero pamusoro pemhirizhonga yakaitika paCapitol Hill musi wa 6 Ndira pakafa vanhu vashanu, pakakuvara vanhu vazhinji pamwe nekupunzwa kwezvinhu.

Amai Pelosi vanoti komisheni iyi ichange yakafanana nekomisheni yakaumbwa mushure menjodzi yakaitika musi wa 11 Gunyana, 2001 apo vanopfurikidza mwero vakabvuta ndege vakadzishandisa semabhambu kuparadza zvivakwa kuNew York nemuVirginia.

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakapunyuka pamhosva yavaipomerwa yekupesvedzera vatsigiri vavo kuita mhirizhonga paCapitol Hill.

Mazuva mashoma apfuura, dare re Senate rakawana VaTrump vasina mhosva yavaipomerwa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti komisheni inoongorora zvakadzama inofanirwa kuumbwa nekuti zvese zvakaitika, pamwe chete nezvikonzero, zvinofanirwa kubudiswa pachena kuitira kuti zvakadai zvisaitika zvekare.

Muzvinafundo Masocha vanoti zvakaitika izvi zvinokanganisa kuchengetedzwa kwenyika sezvo vatungamiri veAmerica vakange vakaungana pamwe chete.

Muzvinafundo Masocha vanoti chakanakira komisheni iyi ndechokuti ichaumbwa mushure mekudzikwa kwemutemo uchaipa masimba ekuita basa iri, izvo zvichaitwa nevamiriri vemapato ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi Dzozeya reMangwana raVaTrump

VaDonald Trump

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakachenurwa nemusi weMugovera nedare reSenate iro rakavawana vasina mhosva yavakanga vachipomerwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo nezvematongerwo enyka dzinoti kuchenurwa kwaVaTrump uku kunovapa mukana wekukwikwidza zvekare mugore ra 2024, ndokana bato ravo ravatambira pamusangano mukuru weRepublican Party unotambira zviri pamutemo munhu anomirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaSilas Chekera, vanoti sekutaura kwakaitwa nemukuru weRepublican Party mudare reSenate, VaMitch McConnell, vachiti VaTrump vakapara mhosva, kunyange havo vasina kuvhota vachiroverera VaTrump nemhosva, VaTrump vanogona kuendeswa kumatare edzimhosva kwavanogona kutongwa vachiwanikwa vaine mhosva.

VaChekera vanoti pane dzimwe mhuri dzichadavo kuendesa VaTrump kumatare edzimhosva pamusoro pemhirizhonga iyi.

VaChekera vanoti pari zvino, magweta makuru emumatunhu eNew Yourk neGeorgia ari kutarisisa mhosva dzinonzi dzakaparwa naVaTrump izvo zvinogona kuvhiringa mukana yaVaTrump yekukwikwidza zvekare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reSeneti Rinoti VaTrump Havana Mhosva Yavakapara

Impeachment trial of former U.S. President Trump concludes in Washington

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vawanikwa nedare reSeneti vasina mhosva yavanga vachipomerwa yekupesvedzera vatsigiri vavo kuita mhirizhonga musi wa Ndira 6 iyo yakasiya vanhu vashanu vafa, kusanganisira mupurisa aive pabasa.

Iyi yanga iri mhosva yechipiri mukati megore VaTrump vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo yenyika.

VaTrump vapunyuka mushure mekunge mavhoti atadza kusvika makumi matanhatu nemanomwe anodiwa nemutemo kuti munhu abatwe nemhosva.

Maseneta makumi mashanu nemanomwe anosanganisira eDemocratic Party makumi mashanu, neeRepublican Party manomwe, avhotera kuti VaTrump vabatwe nemhosva iyi, ukuwo maseneta eRepublican Party makumi mana nematatu, avhota achiramba kuti VaTrump vakapara mhosva.

Kutongwa kwenyaya iyi kwasvika kumagumo mushure memamazuva mashanu vachuchisi veDemocratic Party vachitatsurana nemagweta aVaTrump.

VaTrump vakapedza temu yavo musi waNdira 20, mushure mekukundwa musarudzo naVaJoe Biden veDemocratic Party, avo vakatoreswa mhiko musi wa Ndira 20.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kuwanikwa kwaVaTrump vasina mhosva kunovapa mukana wekuti vakwikwidze musarudzo munguva inotevera.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG