Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Seneta weArizona, VaJohn McCain Voradzikwa kuAnnapolis, muMaryland


Mauto eAmerica akatakura bhokisi rine mutumbi waVaJohn McCain. VaMcCain vanotarisirwa kuradzikwa
Mauto eAmerica akatakura bhokisi rine mutumbi waVaJohn McCain. VaMcCain vanotarisirwa kuradzikwa

Vaimbomiririra Arizona mudare reseneti muAmerica, VaJohn McCain, avo vakashaya svondo rakapera nechirwere chegomarara, vari kuradzikwa neSvondo kumarinda U.S. Naval Academy kuAnappolis mudunhu reMaryland.

NeMugovera, vanhu vakawanda vanosanganisira vaimbove vatungamiriri veAmerica VaGeorge W. Bush naVaBarack Obama vakaungana paWashington National Cathedral muWashington D.C. vachionekana naVaMcCain.

Vachipa mashoko avo ekuonekana nemufi, VaObama, vebato reDemocratic Party, vakati pavakakumbirwa naVaMcCain kuti vagozotaura parufu rwavo, zvakavakatyamadza uye zvakavarwadza, vachiti izvi ndizvo zvimwe zvezviratidzo zvekuti VaMcCain vainge vari munhu akaita sei zvichiratidzavo kuti vaiisa nyika mberi kwezvemapato ezvematongerwo enyika.

Mumwe akataurawo ndaVaGeorge Bush, avo vakati mufi ainge ari munhu aive nechinangwa uye aiita zvinhu nenzira yakarurama izvo zvaikuridzira vazhinji.

Mutungamiriri weAmerica, VaDonald Trump havana kupinda mukurangarirwa kwaVaMcCain uku sezvo VaMcCain vachiri vapenyu vakange vaudza VaTrump kuti vasasvike parufu rwavo.

VaMcCain, avo vakatapiwa nemauto eVietnam vakagara mujeri kwemakore mashanu, vainge vasinganyanyi kuwirirana naVaTrump muzvinhu zvizhinji.

Doctor Angela Gapa, vanove nyanzvi mune zvekudyidzana kwenyika vadzidzisa paCalifornia State Univesity at Chico, muAmerica, vanoti VaMcain vaive munhu aiteererwa nevakawanda sezvo vaive munhu aive nechiremera nekuda kwehushingi hwavo pamwe nebasa ravo munguva yavaive muchiuto uye saseneta.

Hurukuro naDoctor Angela Gapa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG