Accessibility links

Breaking News

America Inozeya Nyaya Yemangoda Ekwa Marange


Mukuru we World Diamond Council, Va Eli Izhakoff, vanoti America, Kimberly Process, World Diamond Council nevamwe vakamirira kunzwa kuti ongororo yanga ichiitwa ne Kimberly Process ichaburitsa gwaro rakaita sei

Pakaitwa musangano nezuru muAmerica pakati pehurumende ye America nevanotenga nekutengesa mangoda. Musangano uyu wakanga uri wekuzeya nyaya yekuti America yoramba here ichiti mangoda ekwa Marange ngaasatengeswa.

Mukuru we World Diamond Council, Va Eli Izhakoff, vanoti America, Kimberly Process, World Diamond Council nevamwe vakamirira kunzwa kuti ongororo yanga ichiitwa ne Kimberly Process ichaburitsa gwaro rakaita sei.

Gwaro iri richaburitswa mwedzi unouya musangano we KP uchaitirwa ku Israel usati waitwa. Va Izhakoff vati vakakurukurazve pamusoro pekuti KP youmbiridzwa sei kuti ienderane nekuchinja kwaita zvinhu pasi rose.

Gurukota rezvicherwa, Va Obert Mpofu, vati Zimbabwe yaita zvose zvinodiwa ne KP zvekuti nyika dzicharamba dzichiti vasabvumidzwa kutengesa mangoda ekwa marange pamusika yepasi rose, vanenge vane zvimwewo zvinangwa.

Va Joy Mabenge ndivo maneja webazi re Governance and Democracy musangano re Institute for a Democratic and Alternative Zimbabwe. Vati musangano uyu unoratidza kuti zvinhu nyika dzepasi rose hadzisati dzava kuwirirana pamusoro penyaya yemangoda ekwa Marange.

XS
SM
MD
LG