Dare reparamende yepasi muAmerica ravhota mambakwedza richipasisa bhiri rekuti paumbwe komisheni yakazvimirira ichaferefeta kurwiswa kwemuzinda weCapitol Hill musi waNdira 06 gore rino apo mhomho yevatsigiri vevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump yakaedza kudzivisa kupasiswa kwezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa muna Mbudzi gore rapera.
Zvakabuda musarudzo zvairatidza kuti VaTrump vakakundwa naVaJoe Biden.
Nhengo dzebato reDemocratic Party dzinosvika mazana maviri negumi nenomwe dzichitsigirwa nenhengo makumi matatu neshanu dzebato rinopikisa reRepublican Party, dzavhota dzichitsigira bhiri iri, kuchitiwo nhengo zana nemakumi manomwe neshanu dzaramba kuritambira.
Asi hurongwa uhwu hunogona kutatarika mudare reseneti, umo mukokeri wenhengo dzeRepublican Party, VaMitch McConnell, vakatozivisa neChitatu kuti vanopikisana nepfungwa yekuti paumbwe komisheni iyi.
Kuti bhiri iri ribudirire museneti, panofanirwa kuita nhengo gumi dzebato reRepublican Party dzinovhota dzichibatana nenhengo dzebato riri kutonga reDemocratic Party.
Pari zvino mudare reseneti mune nhengo dzeDemocratic Party makumi mana nesere, nhengo dzeRepublican Party makumi mashanu pamwe nenhengo mbiri dzakazvimirira, idzo dzinovhota dzichitsigira nhengo dzeDemocratic Party.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muno mu America, VaTawanda Svosve Dzvokora, vanoti zvaitwa nenhengo dzeRepublican Party zvinhu zvekuvhota dzichitsigira chokwadi chezvakaitika, zvinhu zvinofanirwa kuteedzerwawo kuZimbabwe, kwete kuti vanhu vanongovhota vachitarisa kuti ndevebato ripi.
Facebook Forum