Accessibility links

Breaking News

America Inorangarira Kuwana Kwayo Kuzvitonga


July 4th Parade

Nhasi, America iri kupemberera kuwana kwayo kuzvitonga.

America iri kurangarira zuva remugore ra 1776, apo vamiriri venzvimbo gumi nenhatu, idzo dzaive pasi peGreat Britain, vakanyorerana chibvumirano chekuzvitonga, kubva muhutongi hweGreat Britain.

Apa ndipo pakatanga zviri pamutemo hondo yemakore manomwe America ichirwira kuzvitonga. Asi chimwe chiitiko chakakosha mugakava raivepo, chakaitika musi wa Kubvumbi 18, 1775 apo pakatanga kurwisana mauto ekuBritain nemauto emuAmerica mudunhu reMassachusetts.

Pfuti yakatanga kuridzwa musi uyu, yakazozivikanwa sepfuti yakarira ikanzwikwa nepasi rose, sezvo yakaratidza shanduko yaizobva mukubudirira kweAmerica kubva muhutongi hwenyika yainge yakasimba zvikuru pasi rose.

Mushure meshanduko iyi, kufunga kwevanhu vakasununguka, kwakava tsika nemagariro evanhu vemuAmerica.

Izvi zvinosanganisira kuvambwa kwekereke yeAnglican, kusununguka kwemunhu wese, ukwo kwakatambirwa nekukurumidza nematunhu aimbove pasi peBritain.

Zvakakosha zvakaitika, hwaive hukama hwehurumende nevanhu vainotonga, uhwo hwakachinja zvikuru mumatunhu emuAmnerica.

Hutongi hwaibva pamusoro hwuchienda pasi, hwakabviswa, pakava nehutongi hwemumatunhu hwaisarudzwa neveruzhinji.

Veruzhinji vakatanga kuva nechekuita mumashandiro edzihurumende dzematunhu avo, uye vanhu vakawanda vakatanga kuwana kodzero dzekuvhota, uye kupinda zvakanyanya mune zvematongerwo enyika.

Nyika dzemuEurope dzakazvionawo.

Nyika dzaive pasi pemadzimambo nemadzimambokadzi dzaishuvira kukundikana kweAmerica – vaipikisa hutongo hwemadzimambo nemadzimambokadzi vakaonawo kuti shanduko yakaitika muAmerica yaikwanisa kubvisa dzihurumende pazvigaro, uye kuti munhuwo zvake, aikwanisa kupinda munyaya dzekutongwa kwenyika yake.

Mugwaro rekutara kuzvitonga kweAmerica, VaThomas Jefferson vakanyora kuti “vanhu vose vakasikwa zvakafanana.”

Mashoko aya akaita kuti vanhu vatsigire kuzvitonga nekurwira rusununguko munyika dzinoti Netherlands, Belgium, Ireland, Poland ne Haiti, uye nepasi rose.

Mashoko aVaJefferson akashandiswa mugwaro rekuzvitonga rekaitwa muFrance.

Mashoko aya akafadzawo vatungamiri vakaita sa Simon Bolivar, izvo zvakaita kuti vadzanyiriri vapikiswe nenzira dzakabudirira munyika dzemu Latin America.

Makore mazana maviri apfuura, Marquis de Lafayette, rimwe remagamba eshanduko muAmerica, akati “Hunhu hwakunda hondo. Nyika yasununguka zvino.”

Zvinoreva shanduko yemuAmerica, zvakabata pasi rose, uye zvinoramba zvichiyemurwa muzuva ranhasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG