Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

America Inoti Vanhu Vakasungirwa Mhirizhonga paCapitol Hill Vanogona Kupomerwa Mhosva Yekuda Kukudubura Hurumende

VaMichael Sherwin

Bazi rezvemitemo muAmerica rinoti humbowo hwariri kuwana pamusoro pemhirizhonga yakatora nzvimbo paCapitol Hill, muWashington D.C. musi wa 6 Ndira, hunoratidza kuti vamwe vevanhu vakasungirwa nyaya iyi vanogona kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga nechinangwa chekubvisa pachigaro hurumende yakasarudzwa zviri pamutemo.

Musi uyu, mhomho yevatsigiri vevaimbove mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vakapinda zvechisimba muparamende yeAmerica, yeCapitol Hill, vakapunza zvinhu, kusanganisa mahwindo, misuwo, macheya, matafura nezvimwe vachitsvaga vanhu vavaiti vakabatsira mukubira sarudzo yemutungamiri wenyika.

Mhirizhonga iyi yakakonzera kufa kwevanhu vatanhatu.

Bazi rinoona nezvemitemo rinoti rakatopomera mhosva vanhu vanopfuura mazana mana vavanoti vangangotongwa nemhosva yekuda kubvisa hurumende pachigaro zvechisimba vachishandisa zvombo, kana kuti ‘sedition’.

Muchuchisi wehurumende, VaMichael Sherwin, vanoti humbowo huripo hunotsigira kupomera vanhu ava nemhosva iyi, vachiti mukufamba kwenguva humwe humbowo hucharatidza kuti izvi ndizvo zvaida kuitwa nevanhu ava.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, VaCalvin Manduna, vanoti mu America hazvisi nyore kupomera munhu mhosva yekuda kubvisa hurumende pachigaro nechisimba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

Mitemo Inowomesera Vanhu kuVhota Inodzikwa muDunhu reTexas

Gavhuna vedunhu reTexas, VaGreg Abbott

Gavhuna vedunhu reTexas muAmerica, VaGreg Abbott, vasaina bhiri rezvekuvhota, rinonzi SB 1, vachiti kuvhota kwava kuzoitwa zvakanaka mudunhu reTexas pamusoro pebhiri iri.

Bhiri iri, iro rinodiwa nevatsigiri vebato reRepublican Party, richawomesera vanhu vazhinji pakuvhota.

Bhiri iri rinorambidza kuti munhu avhote ari mumotikari, izvo zvanga zvichirerutsira vanhu kwemakore mazhinji.

Bhiri iri, rinorambidzavo kuti pave nenzvimbo dzekuvhotera dzisingavharwi husiku nemasikati.

Vanoshora bhiri iri vanoti rinokonzera kuti vanhu vazhinji vatadze kuvhota, zvikuru sei vasiri vechichena.

Matunhu eAmerica gumi nemasere anotongwa nemagavhuna eRepublican Party ari pakati pekunyora nekudzika mitemo inowomesera vanhu veAmerica vanoda kuvhota, izvi zviri kushorwa nevanorwira kodzero dzevanhu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda mudunhu reTexas iri, VaKennedy Masiye, vanoti vanhu vazhinji havasi kufara pamusoro pebhiri iri, kunze kwevatsigiri vebato reRepublican party.Vanotivo masangano mazhinji atozivisa kuti arikuenda kumatare edzimhosva kunoedza kumisa mutemo uyu.

VaMasiye vanoti mitemo iri mubhiri iri ichatanga kushanda mushure memwedzi mitanhatu kana bhiri iri rikasamiswa nematare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pfizer Inopiwa Rezenisi Rizere reNhomba yeCovid-19 Yainogadzira

Mushonga wenhomba yeCovid-19 unogadzirwa nePfizer

Bazi rinoona nezvekushandiswa kwemishonga, reFood And Drug Administration, rakapa neChipiri kambani yePfizer mvumo izere yekushandiswa kwemushonga wayo wenhomba yeCovid-19.

Mushonga uyu ndiwo mushonga wenhomba yeCovid-19 wekutanga kuongororwa nekupiwa rezenisi rekuti ushandiswe pavanhu.

Mushonga uyu wave nenguva uchishandiswa pavanhu pasi pose mushure mekupiwa mvumo yechimbichimbi yekuti ushandiswe kubva kutanga kwaZvita gore rapfuura.

Rezenisi rakapiwa Pfizer richaita kuti zvive nyore kuti vashandirwi, mauto nezvikoro zvepamusoro zvidzike mirairo yekuti vanhu, vashandi nevadzidzi vavo vatange vabaiwa nhomba yeCovis-19 vasati vapinda munzvimbo dzemakambani kana zvikoro izvi.

Rezenisi iri rinotarisirwawo kubatsira mukupa chido chekubayiwa nhomba kuvanhu vanga vachizeza kubyaiwa nhomba yeCovid-19 sezvo hurumende yataura kuti yakaongorra mushonga uyu ikagutsikana nawo.

Kubva muna Zvita wegore rakapfuura, mushonga uyu wanga uchishandiswa pasi pemvumo yechimbichimbi.

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vaudza Studio 7 kuti nhomba yePfizer ndiyo iri kunyanya kushandiswa nevanhu kupfuura imwe yose, vachiti pari zvino mushonga uyu washandiswa nevanhu vanoita zvikamu makumi mashanu nezvitanhatu kubva muzana zvevanhu vari kubayiwa nhomba yeCovid-19.

Kusvika musi weSvondo yapfuura iyi, vanhu vakuru muAmerica vanoita zvikamu makumi manomwe nezvitatu kubva muzana (73%) vanga vabayiwa nhomba yeCovid-19 yekutanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaBiden Vanoti Hapana Chizvarwa cheAmerica Chichasiyiwa MuAfghanistan

VaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vanoti pane hurukuro dziri kuitwa dzekuti mauto eAmerica arambe ari muAfghanistan kupfuura zuva rakanga ratarwa.

Mauto eAmerica ose anofanirwa kubuda munyika iyi nemusi wa 31 Nyamavhuvhu asi VaBiden vanoti pari kuitwa hurukuro dzekuti mauto aya amboramba ari munyika iyi kuti abatsire mukuburitswa kwezvizvarwa zveAmerica nezvimwe zvenyika iyi zvinoda kuenda muhupoteri.

VaBiden vanotivo kana paine chizvarwa cheAmerica chichiri muAfghanistan, mauto eAmerica acharamba ari munyika iyi kusvika zvizvarwa zveAmerica zvose zvabuditswa.

Vativo zvizvarwa zveAfghanistan zviri kuendeswa kumabhesi emauto eAmerica zvichatanga zvaferefetwa zvakasimba zvisati zvabvumidzwa kuva vapoteri muAmerica.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachiita dzidzo dzepamusoro paHoward University, muWashington D.C., VaCalvin Manduna, vanoti nyaya iyi haina kubatwa zvakanaka, izvo zvavakukonzera kuti vanhu vatange kushora VaBiden vanga vachimborumbidzwa kubva zvavakatora mhiko yekutungamiri America.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mushonga Mutsva weAlzheimers Unopihwa Mvumo muAmerica

Muzinda weFood And Drug Administration

Bazi rehurumende ye America rinoona nezvekudya nemishonga, reFood And Drug Administration, rapa mvumo yekuti mishonga yechirwere chinobata pfungwa dzevamwe vanhu vanenge vave kuchembera chichikonzera kuti vakanganwe kana kusaziva zviri kuitika kwavari, kana kuti Alzheimer’s, ushandiswe.

Mushonga uyu ndewe kutanga mumakore makumi maviri uchitsvakwa.

Asi kubvumidzwa kwawo kuti ushandiswe kuri kukonzera mutauro, sezvo dzimwe nyanzi mune zvehutano dzichiti hapana humbowo hwakakwana hunoratidza kuti mushonga uyu unobatsira.

Kambani inogadzira mushonga uyu, inonzi Biogen, yakazivisa nemuvhuro wapfuura kuti mushonga uyu, uyo unotengeswa pasi pezita rekuti ‘Aduhelm’, uchange uchipiwa murwere sejekiseni kamwe chete pamwedzi kuti unonose kukanganwa kwepfungwa dze vamwe vave kuchembera.

Biogen inoti mushonga uyu unenge uchitengeswa nemari inoita zviuru makumi mashanu nezvitanhatu emadhora ($56,000) pagore.

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vaudza Studio 7 kuti mushonga uyu haurapi chirwere ichi asi unotarisirwa kunonotsa kukanganwa kunoita pfungwa apo munhu ave kuchembera.

Vatori veNhau Vopomera America Mhosva yeKuvasora.

Vatori venhau mu America vari kugununguna pamusoro pezvavanoti zviri kuitwa nebazi rezvemitemo muAmerica, re Department of Justice (DOJ), vachiti bazi iri riri kuunganidza ruzivo nemazita evanhu vanofonerwa ne vatori venhau pamwe chete nemazita evanhu vanofonera vatora venhau.

Mutori wenhau we bepanhau reNew York Times, Adam Goldman, akaudza nhepfenyuro yeCNN kuti vachuchusi vemu Washington DC vanotyora mutemo weFirst Amendment uye vanotora vatori venhau sevanhu vanopara mhosva sezvinotwa neavo vanotengesa zvinodhaka, vachiti izvi zvinofanirwa kumiswa.

Mutemo we First Amendment unopa kodzero kuvanhu yekutaura zvavanoda kana kusangana nekuungana nevanhu vavanoda.

Vanodzidzisa kutapa nhau paIndiana University of Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vaudza Studio 7 kuti zvirikuitwa neDOJ zvagara zvichitwa pasi pevatungamiri vakasiyana siyana.

Muzvinafundo Mukasa vanoti DOJ inoti izvi ndezvimwe zvezvinhu zvinofanirwa kuitwa nebazi iri mukudzivirira America kubva kuvavengi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG