Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

VaBill Gates naAmai Melinda Gates Vazivisa Kuti Vagura Muchato Wavo

VaBill Gates naAmai Melinda Gates
VaBill Gates naAmai Melinda Gates

Muzvinabhizimisi, VaBill Gates, nemudzimai wavo, Amai Melinda Gates, nezuro, Muvhuro, vakazivisa nezvekupera kwe muchato wavo, mushure memakore makumi maviri nemanomwe vari vose.

VaBill Gates vanozivikanwa semunhu akavamba kambani ye Microsoft, zvichinzi nemusi we Chishanu chapfuura ichi, vange vachikosha mabhirioni zana nemakumi matatu ne manomwe emadhora eku America (US $137b).

Parizvino, VaGates vanonzi ndivo mupfumi wechina pavanhu vose pasi pose.

Vachinyora pa Twitter pavo, Baba naAmai Gates vati vanokumbira kuti vapiwe nguva yekugadzirisa zvinhu mumba mavo murunyararo.

VaBill Gates, avo vane makore makumi matanhatu nemashanu (65) vakachata na Amai Melinda Gates, avo vane makore makumi mashanu nematanhatu (56) mugore ra1994 uye vane vana vatatu.

Vaviri ava vanozivikanwavo nezve sangano ravakaumba, reBill & Melinda Gates Foundation, iro rinobatsira vanhu paso pose, zvikuru sei munyaya dzezvehutano kuti vanhu vawane mishonga, uye mukudzivirira kufararira kwezvirwere zvakawanda.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi pa Devry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti Baba na Amai Gates vange vari vanhu vanotarisirwa pamusoro zvikuru zvekuti kuputsika kwe muchato wavo kuchagumbura vanhu vazhinji pasi pose.

Vati mabasa ose avakatanga achaenderera mberi kunyange hazvo muchato wavo wapera.

Vanoti umwe nomumwe pahuviri hwavo munhu ange achiita zve mabhizimisi, achiita mari pachake.

Muzvinafundo Masocha vanoti hapana chati charatidza kuti kurambana kwevaviri ava kune chekuita nezvehupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

Assange Otsika Madziro Pakuda Kuendeswa muAmerica Kunotongwa

Vatsigiri vaJulian Assange vachiratidzira kuti Assange asadzorerwa kuAmerica kunotongwa
Vatsigiri vaJulian Assange vachiratidzira kuti Assange asadzorerwa kuAmerica kunotongwa

Gakava guru pakati pehurumende yeAmerica nemagweta emutori wenhau akavamba sangano reWikileaks, rinofushunura nyaya dzekusora kunoitwa nehurumende dzeapasi rino, vaJulian Assange, rachanzvikwa mudare repamusoro, reHigh Court kuBritain, kutanga nhasi, Chipiri.

Assange ari kuramba kudzorerwa kuAmerica kunotongwa nemhosva yekubudisa pachena zvakavanda pakudyidzana kwe America nedzimwe nyika.

Kunzwikwa kwenyaya iyi kunoonekwa semukana wekupedzisira wekuti Assange amise kudzorerwa kwake kuAmerica kunotongwa ikoko.

Assange, uyo akazvarirwa kuAustralia, ave nemakore gumi nematatu ari mujeri muBritain achirwisa kuti asadzorerwa kuAmerica.

Vachuchusi veAmerica vanopomera Assange mhosva gumi nesere dzekubudiswa zvakavanda nekambani yake yeWikileaks, zvinosanganisa zvemauto uye hurukuro pakati pehurumende yeAmerica nevamiriri vayo kune dzimwe nyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakakosha kuti munhu anenge apara mhosva atongwe munyika yaakapara mhosva yacho kuitira kuti vanhu vasaona sekuti vanogona kupara mhosva kune imwe nyika vachizonopotera Kane imwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reSenate Rinopasisa Bhiri Rekubatsira neMari Ukraine, Israel neTaiwan

Mutungamiri weUkraine, Va Volodymyr Zelensky, vachifamba vari pakati pa VaChuck Schumer na VaMitch McConnell
Mutungamiri weUkraine, Va Volodymyr Zelensky, vachifamba vari pakati pa VaChuck Schumer na VaMitch McConnell

Mushure memwedzi yakawanda pachiitwa gakava, dare reSenate muAmerica rakazopasisa bhiri remari inodarika madhora mabhiriyoni makumi mapfumbamwe nemashanu ($95.3 billion) yekubatsira Ukraine, Israel neTaiwan.

Bato reRepublican Party ndiro ririkuramba kuti America ishandise mari yakawanda mukubetsera dzimwe nyika asi, kuti bhiri iri ripase mudare reSenate, vamiriri veRepublican Party makumi maviri nevaviri vakavhota vakabatana nevamiriri veDemoctratic Party bhiri iri rikapasiwa nemavhoti makumi manomwe, ukuwo mavhoti makumi maviri nemapfumbamwe achiramba kurivhotera (70-29).

Asi kuti bhiri iri rive mutemo pachine makata sezvo dare reHouse of Representatives richifanira kutambira bhiri iri risiri kuwirirana nezviri mubhiri iri.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reConcerned Citizens Zimbabwe, VaTim Muringai, vanoti bhiri iri rinokosha zvikuru ku mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, sezvo richigona kuvawanira mavhoti mazhinji musarudzo dziri kuuya kana rikabudirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reFederal Court Of Appeal Rinoti VaDonald Trump Vanogona Kutongerwa Mhosva Dzavanonzi Vakapara Pavaiva Mutungamiri WeAmerica

Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump
Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump

Rimwe dare repamusoro, kana kuti Federal Court of Appeal, remuguta guru reAmerica, reWashington DC, nezuro rakaramba kutambira chikumbiro chevaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, chekuti havakwanise kuendeswa kumatare nekuti mhosva dzavari kupomerwa dzakaitika vari mutungamiri wenyika.

Mhosva idzi dzinosanganisira imwe yekuti vaida kukanganisa nyaya dzehutongo hwejekerere uye kuda kurambira pachigaro pavakakundwa musarudzo nevave mutungamiri wenyika, VaJoe Biden muna 2020.

VaTrump vari kutarisirwa kupikisa mutongo uyu.

Vachinyora padandemutande ravo reTruth Social mutungo usati hwapihwa, VaTrump vainge vayambira kuti kuda kuvaendesa kumatare kunogona kureva kuti mutungamiri wose wenyika yeAmerica akasiya basa anenge ozvuzvurudzwa kuenda kumatare neanenge amukunda.

Gweta uye vachishanda nesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanoti VaTrump vachine mukana wekuti nyaya yavo inzwikwe nedare repamusorosoro, reUS Supreme Court, vachiti dare iri ndiro rega rinogona kununura VaTrump kubva mukutongerwa mhosva dzavanonzi vakapara pavakanga vari mutungamiri weAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Jill Biden Vopeta Rwendo Rwavo Rweku Africa

USA-AFRICA/FIRSTLADY-KENYA
USA-AFRICA/FIRSTLADY-KENYA

Amai Jill Biden, mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica nezuro vakapeta rwendo rwavo rwemazuva matatu kuKenya mushure mekushanyirawo Namibia.

Mutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto nemudzimai wavo Amai Rachel Ruto nevamwe vakuru vehurumende ndivo vakaperekedza Amai Biden kubva panhandare yendege yeJomo Kenyatta International Airport.

Vari muKenya, Amai Biden vakataura nezvenzira dzekupedza matambudziko enzara akonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kukurudzira kodzero dzemadzimai nekusimudzira mabasa avo.

Vakaitawo musangano nevari kushanda nehurumende pahomwe yekubatsira vanorarama nechirwere cheHIV yePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti kushanya kwa Amai Biden kunoratidza kuti murume wavo VaJoe Biden vane shungu dzekuzadzikisa chivimbiso chavakapa vatungamiri venyika dzemuAfrica vakange vari pamusangano weUS Africa Leaders' Summit muWashington muna Zvita kupera kwegore rakapera.

"Kushanya kwa Amai Biden kwakakosha parizvino sezvo dzimwe nzvimbo dzemunyika yeKenya dziri kutarisana nenzara mushure mekunetsa kwemvura zviri kukonzerwa nenyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze. Kuenda kwa Amai Biden kunzvimbo idzi kuchabatsirawo kuti dzimwe shamwari dzeAmerica dzibatane nayo mukubatsira Africa."

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mudzimai weMutungamiri weAmerica, VaBoben, Amai Jill Biden, Avo Vari Kushanya muAfrica, Vanosvika muKenya

Amai Jill Biden vari muKenya.
Amai Jill Biden vari muKenya.

Mudzimai wemutungamiri weAmerica VaJoe Biden, Amai Jill Biden, vasvika muKenya neChishanu mushure mekushanyira Namibia kwemazuva matatu.

Amai Biden vari kutarisirwa kushanyira masangano nezvirongwa zvine chekuita nemadzimai nevechidiki, kutaura nezvekufambiswa kwemari mumabhanga, zvemamiriro ekunze nezvimwewo.

Vasati vasimuka kubva kuNamibia, Amai Biden vaita musangano nevechidiki vachizeya nezvehutongi hwejekerere.

Moreblessing Makawa
Moreblessing Makawa

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muNamibia, Muzvare Moreblessing Makawa, vanoti vafadzwa zvikuru nekushanya kwaAmai Biden uye vane shuwiro yekuti nyika yeZimbabwe ivewo nehutongi hwejekerere kuitira kuti iwanewo vashanyi vakadayi vanozobatsira mukuunza rutsigiro kuzvirongwa zvinosimudzira madzimai pamwe nevechidiki.

"Shuwiro yangu ndeyekuti zvakadayi zviitikewo muZimbabwe asi zvinotoda kuti hurumende yedu itange yavandudza nyaya dzekuremekedza kodzero dzevanhu nekukoshesa hungongi hwejekerere,"Muzvare Makawa vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG