Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Misangano yaitwa naVaDonald Trump naVaJoe Biden Inobudisa Kusiyana Kwevatungamiri Vaviri Ava

VaDonald Trump naVaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, veRepublican Party, naVaJoe Biden, veDemoctratic Party, vaita misangano, kana kuti ‘Townhall’ vachipindura mibvunzo yevanhu vari mumatunhu akasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Vakasarudzwa Kuve Mutungamiri weAmerica, VaBiden, Vokurudzira Kupfekwa kweMamasiki

Vakasarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vakabvira kare vachikurudzira vanhu kuti vapfeke zvinovhara miromo nemhino kudzivirira coronavirus.

Vakasarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nemusi weChina vakazivisa kuti vachakumbira vanhu vemuAmerica kuti vazvipire kupfeka zvinovhara miromo nemhino kana kuti ma mask, kwemazuva zana sechimwe chezvinhu zvavachaita semutungamiri wenyika.

VaBiden vakangosiya padiki kuti vadzike danho iri semutemo sezvavaimboshuvira senzira yekudzivirira kupararira kwe coronavirus.

Chiitiko ichi chinotara musiyano mukuru kubva kune mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, avo vaisavimba nekupfekwa kwema mask, izvo zvakaunza kusawirirana mune zvematongerwo enyika.

Kurudziro yaVaBiden yekupfeka ma mask yakaitawo kuti vanhu vakawanda vatevere danho iri, iro rinonzi nenyanzvi dzezvehutano ndeimwe yenzira iri nyore yekurwisana nedenda iri, iro rauraya vanhu vemuAmerica vanodarika mazana maviri ezviuru zvine makumi manomwe nezvishanu kana kuti 275 000 muAmerica chete.

Vakasrudzwa kuve mutungamiri wenyika ava vagara vari kukurudzira kupfekwa kwemamasiki vachiti ichi chiratidzo chekuti munhu anoda nyika yake uye munguva yavaitsvaga rutsigiro, VaBiden vakatomboisa pfungwa yekuti pave nemutemo unomanikidza kupfekwa kwemamasiki nyika yose, izvo zvavakazoti pashure hazvigone kumanikidzwa nemutungamiri wenyika..

Vachitaura nemutori wenhau wenhepfenyuro yeCNN, Jack Tapper, VaBiden vakati vachaisa chikumbiro ichi kuzvizvarwa zveAmerica pavachatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya.

Panyaya yenhomba yekudzivirira coronavirus, VaBiden vakapa zvavo matendo kuhurumende yaVaTrump nekukasika kuti pawanikwe mushonga asi vakati hurongwa hwekugoverwa kwenhomba iyi hwakakosha zvikuru.

Rimwe dambudziko rinogona kusangana nehurumende yaVaBiden nderekupa chivimbo muvanhu kuti vatambire nhomba iyi.

VaBiden vakati vangafara chose kubayiwa nhomba iyi paruzhinji kuitira kubvisa kusagutsikana kungadai kuripo nekushanda kwemushonga uyu, uye zvaungaita kuhutano.

Vaimbove vatungamiri venyika vatatu vanoti VaBarack Obama, VaGoerge W. Bush naVaBill Clinton, vakati vachabayiwawo nhomba iyi paruzhinji kuti varatidze kuti haina njodzi.

VaJoe Biden Vanodoma Zvipangamazano Zvavo Munyaya Dze Zvehupfumi

Amai Janet Yellen

Vakadomwa kuve mutungamiri we America, VaJoe Biden, nezuro vakadoma zvipangamazano zvavo munyaya dzezvehupfumi.

Muchikwata chakadomwa naVaBiden ichi, mune vavanoda kuti vave gurukota rezvemari, kana kuti Secretary of the Treasury, Amai Janet Yellen.

Chikwata che zvipangamazano ichi chine vanhu vaka siyanasiyana, kubva kuvakuru nevadiki, varume ne vanhukadzi, vatema, varungu neumwe akazvarwa ku Nigeria; mune vana muzvinafundo pamwe chete neavo vane ruzivo mumapazi akawanda ezvehupfumi.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi paDeVry University, mudunhu re Ohio muno mu America, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti chikwata chasarudzwa naVaBiden ichi chakanaka mukuti chine vanhu vanomirira mapoka evanhu vemu America vakawanda pamwe chete nemabvakure, kana kuti ‘immigrants’, vakauya muAmerica vakabatsira mukusimudzira nyika iyi.

Muzvinafundo Masocha vanoti patove kuonekwa mutsauko mukuru pakati pemutungamiri wenyika, VaDonald Trump, naVaJoe Biden, zvikuru kana tikatarisa kuti VaTrump vaibatsira makambani makurukurunevapfumi asi VaBiden vari kuratidza kuti vakatarisa kubatsira vashandi nemhuri dziri kunetseka pamwe chete nekuedza kubatsira kuumbwa kwemabhizimisi makuru nemadiki.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaJoe Biden Vanodoma Chikwata Chavo Chichaona Nezvekufambiswa Kwemashoko

VaJoe Biden

Vakasarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nezuro vakadoma chikwata chevanhukadzi vegavega kuve vakuru vehofisi yezvekubudiswa nekufambiswa kwemashoko mumuzinda we White House pavanotanga kutonga musi wa 20 Ndira gore rinouya.

Zvaitwa naVaBiden izvi, ndizvo zvekutanga muzinda we White House uchiita chikwata chevanhukadzi vega vanoona nezve kufambiswa kwemashoko mumuzinda uyu.

Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti vanoona VaBiden vachichinja vamwe vevanhu vavadoma, vachiti vanoona sezvisina kumira zvakanaka mumaziso evanhu.

Vanoti vamwe vakashanda zvikuru mazuva vaBiden vachitsvaka rutsigiro vaiswa pasi pevanhu vakange vasingaiti basa rakawanda.

Muzvinafundo Masocha vanoti vanoonazve nyaya yerusarura pakati pevanhukadzi nevanhurume ichitanga kutaurwa, vachiti mazuva mashoma ari kuuya acharatidza zvinofungwa nevanhu pamusoro penyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nezuro kwekare, VaBiden vakaendeswa kuchipatara mushure mekukuvara gumbo ravo pavakange vachitamba neimbwa yavo pamba pavo, mudunhu reDelaware.

VaBiden, avo vane makore makumi manomwe nemasere, vakaonekwa nanachiremba avo vakati pakange pasina mapfupa akatyoka kana kutsemuka mugumbo ravo, asi vakati VaBiden vachashandisa shangu inobatsira kutsigisa gumbo ravo.

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Chechidiki Chinogara muAmerica Chowana Rubatsiro Rwekushanda Nevanotambura KuChimanimani

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Chechidiki Chinogara muAmerica Chowana Rubatsiro Rwekushanda Nevanotambura KuChimanimani
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvinhu Zvoramba Zvakaita Manyama Amire neRongo muAmerica

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muAmerica zvichitevera kutsika madziro kuri kuita mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, avo vari kuramba kutambira kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, muzvinafundo Doctor Moses Rumano, vanoti zviri kuitika izvi zvinoita kuti america ishaye rukodzo pasi rose.

VaRumano vanoti vanoona zvichigadzirisika musi wekugadzwa kwaVaBiden usati wasvika sezvo America iine mitemo inokwanisa kushandiswa kuitira kuti masimba atambidzwane zviri pamutemo.

"Kunyange hazvo tiri kuwona vaviri ava vachitatsura panyaya yekutambidzanwa kwemasimba bumbiro remitemo emuno muAmerica ndiro richashandiswa sezvo muno mune hutongi hwejechetere zvinoita kuti VaJoe Biden vagadzwe musi wa Ndira 20, gore rinouya pasina dambudziko," Doctor Rumano vadaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG