Accessibility links

Breaking News

Amai Theresa Makone Vanoti Va Nyikayaramba Ngavasungwe


rimwe remakurukota ezvemukati menyika, amai theresa makone, vanoti mumwe mukuru wemauto, brigadier general douglas nyikayaramba, vanofanirwa kusungwa zvichitevera mashoko avari kutaura anozvidza vamwe vari mhurumende. amai makone vanonzi vakataura mashoko aya pane mumwe musangano vachipawo pfungwa dzavo pamusoro pezviri kuitika munyika. asi pavabvunzwa nestudio7 kuti vanyatsotsanangura mashoko avo, amai makone vati havakwanise kudzokorora zvavakaura pamhepo nekuti zvinhu zvavakataura pavaipawo pfungwa dzavo kumusangano webato ravo wakaitirwa kukwekwe. amai makone vanoti va nyikayaramba vari kutyora bumbiro remitemo yenyika, nokudaro vanofanira kusungwa. asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, va ibbo mandaza, vaudza violet gonda westudio7 kuti semaonero avo, hapana ane masimba ekusimbisa vanyikayaramba, kana ivo mai makone vachitadza kusungisa vanyikayaramba.

XS
SM
MD
LG