Accessibility links

Breaking News

Amai Khupe Voudza United Nations Kuti Vari Kukutsanirwa neHurumende naVaMwonzora


DoctorThokozani Khupe
DoctorThokozani Khupe

Mutungamiri webato reMDC-T Doctor Thokozani Khupe vanoti vanyorera munyori mukuru weUnited Nations, VaAntonio Guterres, nemamwe masangano emuno anomirira kodzero dzemadzimai vachiti vari kutyorerwa kodzero dzavo.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwavo mudare reparamende uye kunyimwa mari inopihwa mapato ezvematongerwo enyika.

MDC Alliance inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora yakadzinga Muzvare Thokozani Khupe pamwe nenhengo yeProportional Representation yanga ichimirira Bulawayo Metropolitan muparamende kubva mudare iri zvichitevera makatatanwa ari mubato iri. Asi Muzvare Khupe, avo vanoti ndivo vave mutungamiri webato iri, vachiti kudzingwa kwavo muparamende hakusi pamutemo.

Muzvare Khupe vakaudza vatori venhau muHarare neChitatu kuti vakatambira tsamba svondo rapera yakatumirwa nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vachivazivisa kuti havasisiri nhengo yeparamende. Vatiwo mumwe akadzingwa muparamende ndiAmai Nomvula Mguni vanga vari nhengo yebato ravi yeProportional Representation yanga ichimirira Bulawayo Metropolitan muparamende.

Muzvare Khupe vakati izvi zviri kuvashamisa sezvo vachiti vakange vanyorera tsamba VaMudenda vachivazivisa kuti pave namapoka maviri ebato ravo zvichitevera kuzivisa kwavakaita mwedzi wapera kuti bato ravo reMDCT rakatsemuka nepakati.

Vakatiwo VaMwonzora havasisiri nhengo yebato zvichitevera kuzivisa kwavakaita komisheni inoona nezvesarudzo kuti bato ravo richakwikwidza musarudzo dzema by-elections richishandisa zita rekuti MDC Alliance.

Muzvare Khupe vakati kudzingwa kwavo muparamende hakusi pamutemo sezvo vachiti mutauriri weparamende aifanira kutaura izvi mudare reparamende kwete kuvanyorera tsamba iro dare reparamende riri pazororo.

Asi mutauriri weMDCT yaVaMwonzora, VaWitness Dube, vakati Muzvare Khupe vadzingwa muparamende nekuti havachamirire zvido zvebato ravo vachiti Muzvare Khupe vakazvidzinga vega mubato ravo mushure mekunge vazivisa kuti vave mutungamiri werimwe boka reMDCT. VaDube vanoti zvakaitwa naMuzvare Khupe zvekuzivisa kuti pave nemapoka maviri ebato ravo izvi hazvimo mubumbiro remitemo rebato ravo pamwe nemubumbiro remitemo yenyika.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Sibongile Mgijima vati VaMwonzora havasisiri nhengo yeMDCT kana pachitevedzerwa zviri mubumbiro remitemo rebato iri. Asi vati nekuda kwekuti mataere anorerekera divi, vanokwanisa kuita havo madiro aJojina.

Asi VaMwonzora vanoti ndivo mutungamiri webato anocherechedzwa sezvo vari kungoshandisa zita rekuti MDC Alliance pasarudzo chete zvakanangana nechibvumirano chekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance chakasiya chasainiranwa nevambova mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vatugamiri vemapato ari umumubatanidzwa uyu. Amai Khupe vanoti havo hapana chibvumirano chiripo sezvo vakasaina chibvumirano chacho vakawanda vasisiri muMDC Alliance macho.

Muzvare Khupe vakati havasi kufara kuti gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi negurukota rezvemari VaMthuli Ncube vakapa boka raVaMwonzora mari inopihwa mapato ezvematongerwo enyika anenge awana zvikamu zvinodarika zvishanu kubva muzana zvemavhoti musarudzo pasi pemutemo wePolitical Parties Finance Act. Muzvare Khupe vati nyaya dzose dziri mbiri idzi dzave kumatare edzimhosva.

Asi VaDube vakati zvese zviri kutaurwa naMuzvare Khupe izvi ndezvekuda kububunya mari chete kwete kugadzirisa matambudziko akatarisana neveruzhinji munyika.

VaMudenda vati tigozovafonera asi vazenge vasisadaire nharembozha yavo. Hatina kukwanisa kubata VaZiyambi kuti tinzwewo divi ravo panyaya yemari iyi.

Asi VaZiyambi vakamboudza Studio 7 kuti sehurumende vanongotevedzera zviri pamutemoo vachiti havapindire mumakakatanwa emapato ezvematongerwo enyika. VaZiyambi vakatiwo vanongotevedzera zvavagara vachingoita nguva dzose pakupa mapato mari kudzamara pave nehumbowo hwekuti pane zvashanduka.

Kusawirirana pakati paVaMwonzora naMuzvare Khupe kwakabuda pachena mwedzi wapera VaMwonzora pavakanyorera Muzvare Khupe tsamba yekumbovamisa basa semutevedzeri wavo vachivapomera mhosva dzakawanda.

Zvichitevera kumiswa kwavo basa, Muzvare Khupe vakabva vazisawo veruzhinji kuti VaMwonzora vakanga vazvidzinga mubato nekunyorera ZEC tsamba kwavakaita vachiti bato ravo richakwikwidza musarudzo seMDC Alliance vakati izvi izvi zvinoreva kuti pave nemapato maviri.

Nyaya Ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG