Accessibility links

Air Zimbabwe Inotadza Zvakare Kuti Ndege Dzayo Dzifambe Munyika

  • Sandra Nyaira

Vakafanobata chinzvimbo chemukuru weAir Zimbabwe, Va Innocent Mavhunga, vanoti zvinorwadza kuti pari kuramba pachiita zvimhingamipinyi pakuti Air Zimbabwe itangezve kufamba

Air Zimbabwe yakatadza zvakare kutanga kubhururuka munyika mushure mekunge vashandi vayo vanosanganisira vatyairi vendege varamba kuenda kubasa vasati vapihwa mari dzavo dzimihoro idzo dzisati dzabhadharwa kubva muna 2009.

Air Zimbabwe yakanga yati ichatanga kufamba munyika kubva Harare kuenda Bulawayo ne Victoria Falls mushure mekumira muna Ndira kuenda ku London ne South Africa nepamusana kutya kubatirwa ndege pazvikwereti zvinopfuura mamiriyoni zana nemakumi mana emadhora zvine kambani iyi.

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, Va Nicholas Goche, vanoti hurumende ichatora chikwereti che Air Zimbabwe asi inoda kuti itange yakamura vashandi vayo vanonzi vakawandisa.

Vakafanobata chinzvimbo chemukuru weAir Zimbabwe, Va Innocent Mavhunga, vanoti zvinorwadza kuti pari kuramba pachiita zvimhingamipinyi pakuti Air Zimbabwe itange zvakare kufamba.

VaMavhunga vanoti havana mari dzekugadzirisa zviri kunetsa nechimbichimbi.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemashandisirwo emari pamwe nekusimudzirwa kwehupfumi munyika, Va Willas Madzimure, vanoti komiti yavo iri kushushikana nenyaya yeAir Zimbabwe.

VaMadzimure vanoti nyaya yezvikwereti zveAir Zimbabwe ndiyo imwe iri kunetsa kuitira kuti pawanikwe vekunze vangade kushanda nayo.

XS
SM
MD
LG