Accessibility links

Breaking News

Air Zimbabwe Inotadza Kumutsiridza Kuve Nhengo yeIATA


Sangano rinoona nezvekutakurwa kwevanhu pamwe nezvinhu muchadenga pasi rose, reInternational Air Transportation Association, IATA, rakamisa zvakare kambani yendege yeAir Zimbabwe kuve nhengo, mushure mekunge kambani iyi yakundikana kumutsiridza kuve kwayo nhengo kuboka rinoona nezvekudzivirirwa kwetsaona reInternational Operational Safety Audit. Sangano iri riri pasi pe IATA.

Air Zimbabwe yakakundikana kumutsiridza kuve nhengo kwayo panguva yakanga yatarwa yemusi wa 13 Chikumi, mudanho rinoitwa mushure memakore maviri oga oga.

Kambani iyi inonzi yakaziviswa nezvedanho iri nemukuru weGlobal Audit Programs musangano reIATA, VaCatalin Cotrut, kuburikidza netsamba yavanonzi vakanyorera Air Zimbabwe.

Vakafanobata chigaro chaChief Executive Oficer muAir Zimbabwe, VaInnocent Mavhunga, vatenda kuti kambani yavo yakamiswa kuve nhengo yeIOSA, uye vati izvi zvakakonzerwa nematambudziko akatarisana nekambani iyi pari zvino.

Asi VaMavhunga vati kana danho rekumutsiridza kambani iyi riri kuitwa nehurumende rikangopera, Air Zimbabwe ichatora matanho ekuti itambirwe zvakare mu International Operational Safety Audit.

Aka hakasi kekutanga Air Zimbabwe ichimiswa kuve nhengo neIATA. Gore rapera, kambani iyi yakambomiswa kuve nhengo mushure mekutadza kwayo kubhadhara zvikwereti kusangano iri.

Kusava nhengo yeIATA kunereva kuti Air Zimbabwe haikwanise kubuda kunze ichibhururuka sezvo ichisungirwa nemirawu yeIATA kuita zvayakatadza kuita.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vari sachigaro weNational Advisory Council musangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vaudza Studio 7 kuti maonero avo panyaya iyi ndeekuti pane kupindira kwakanyanya kwebazi rezvekutakurwa kwezvinhu muAir Zimbabwe, uye kushaikwa kwehunyanzvi mukufambiswa kwemabasa, chimwe chezvikonzero zvauraya Air Zimbabwe.

XS
SM
MD
LG