Accessibility links

Breaking News

Heath Streak Odawo Kuitwa Murairidzi weCricket


Sangano reZimbabwe Cricket rinoti riri kutsvaga murairidzi mutsva wechikwata ichi zvichitevera kupera kwakaita chibvumirano chakange chiri pakati pesangano iri nevaimbove murairidzi wechikwata ichi, VaWalter Chawaguta, muna Zvita gore rapera.

Aimbove mutambi weZimbabwe Cricket, uye ari bowling coach, Heath Streak, anoti ane shuviro yekuva mumwe weavo vachawana basa iri, kunyange hazvo kune vamwe vari kunzi vari kudawo basa iri.

Vamwe veavo vari kunzi vari kuda basa iri ndi Grant Flower, uyo akambotambirawo chikwata ichi, pamwe naVaChawaguta, avo vange vari murairidzi gore rapera.

Muongorori wemutambo wekiriketi, VaBrian Goredema, vanoti chiitiko ichi chingangobastira kusimbaradza mutambo wekiriketi munyika.

XS
SM
MD
LG