Accessibility links

Breaking News

Chibvumirano Chakanangana neKurwisa Huori Chonyoreranwa muZimbabwe


Priscilla Misihairambwi.
Priscilla Misihairambwi.

Masangano eZimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC), Transparancy International Zimbabwe (TIZ), pamwe neNational Assembly, asainirana chibvumirano chekuita mushandirapamwe pakurwisa huwori uhwo hwave kukanganisa hupfumi wenyika.

Vachitaura pakusainwa kwechibvumirano ichi pakati peZACC, TIZ nekomiti yeparamende inoona nezvekurwiswa kwehuori yeAfrican Parliamentarians Network Against Corruption (APNAC) mutauriri weNational Assembly, VaAdvocate Jacob Mudenda, vati pane humbowo hunoratidza kuti nyika iri kurasikirwa nemazana nemazana emamiriyoni emadhora pagore nekuda kwehuwori.

Vati nekuda kwehuwori gore rapfuura, Zimbabwe yange iri panhamba 158 kubva panyika zana nemakumi masere pachikero chehuwori cheTIZ.

Vati izvi zvinofumura chimiro chenyika, uye zvakashata zvikuru sezvo zvichitadzisa nyika kubudirira sezvo vemabhizimisi vekunze vasingafarire kusima mari dzavo munyika dzine huwori.

Sachigaro veZACC, Justice Loice Matanda-Moyo, vati kunyange hazvo vari kuedza napose pavanogona napo kurwiswa huwori, basa ravo rinokanganiswa nekuti hapana mitemo yakasimba inoita kuti vaite basa ravo nemazvo.

Vati panodiwa iutemo inoita kuti zvive nyora kuti komisheni ikwanise kutora mari, hupfumi nezvimwe zvinhu zvinenge zvawanikwa pashandiswa huwori.

Amai Matanda Moyo vati zvapave nechibvumirano ichi, vanovimba kuti paramende ichadzika mitemo inorerutsa basa ravo mukurwisa huwori.

Sachigaro veAPNAC, Amai Priscilla Misiharabwi Mushonga, vati chinoita kuti ZACC itadze kuita basa rayo nemazvo mitemo isina kusimba kana kuti mitemo isipo zvachose uye izvi ndizvo zvinofanira kugadziriswa.

Vati vanhu havachina vimbo nemasangano akaita sanaZACC, mapurisa, National Prosecuting Authority nekuti hapana zvikuru zviri kububuda pamabasa avo.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muTIZ-Zimbabwe, VaTafadzwa Chikumbu, vati kunyange hazvo vange vagara vachishanda neparamende neZACC, chibvumirano chanhasi chasimbaradza hushamwari hwagara huripo.

TIZ inoti Zimbabwe iri kurasikirwa nemadhora anodarika bhiriyoni rimwe chete ekuAmerica gore rega rega kubva muna 2016 nekuda kwehuwori uye vashandi vehurumende ndivo vari kunyanyoita huwori hwacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG