Accessibility links

Breaking News

Afrobarometer Inoti VaMangagwa Vari Kutadza Kuita Basa Rinogutsa Veruzhinji muZimbabwe


Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa
Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa

Sangano reAfrobarometer richishanda nesangano remuZimbawe reMass Public Opinion Institute, rakaita tsvakurudzo iyo yakaratidza kuti vanhu zvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana, havagutsikani nemafambisiro ebasa akaita mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mukati memwedzi gumi nemiviri yapfuura.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti zvikamu makumi matanhatu nechimwe kubva muzana zvinoti nhengo dzeparamende hadzisi kushanda zvinofadza.

Zvikamu makumi manomwe nezviviri zvinoti nhaurirano dzekugadzirisa matambudziko ari munyika dzinofanirwa kusanganisira vemabhizimisi, vedzisvondo nemamamwe masangano kwete vezvematongerwo enyika chete.

Mushandi mukuru wezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti vanoshamisika nezvabuda mutsvakurudzo idzi vachiti Afrobarometer ndiyo zvakare yakaita imwe tsvakurukoa masvondo maviri apfuura ichiti Zanu PF inokunda kana sarudzo ikaitwa nguva ipi zvayo.

Asi vati bato ravo rinotambira zvabuda mutsvakurudzo iyi.

Panyaya yenhaurirano vati hurumende yebato ravo inoda chose kutaurirana nevanhu vese vemuZimbabwe asi haingamanikidzi vasingade kupinda muhurukuro.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati havashamisiki nekuti vanhu havasi kufara nemashandiro aVaMnangagwa nekuti vari kutambura uye havana mabasa.

VaHlatywayo vatiwo vanhu havangafari nemashandiro enhengo dzeparamende sezvo nhengo dzebato ravo zhinji dzakadzingwa muparamende.

Asi vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vachishanda nebato reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vati kusafara kuri kuita vanhu nemashandiro enhengo dzepamaramende kumadhorobha kunoratidza kuti rutsigiro rwebato iri rwuri kudzikira.

Zvimwewo zvakabuda mutsvakurudzo yeAfrobarometer ndezvekuti vakawanda vanoda kuti hurumende iwanise vanhu mabasa uyewo vanhu vashoma vanoti vakasununguka kutaura zvavanoda kana kuve nhengo yebato rezvematonerwo enyika ravanoda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG