Accessibility links

Breaking News

AFDB Inobatsira Zimbabwe neMari Inodarika Mamiriyoni Gumi ekuAmerica


ADB Mthuli Ncube2

Bhanga reAfrican Development Bank rapa Zimbabwe rubatsiro rwemari inoita mamiriyoni gumi nezviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica iyo ichashandiswa mukusimbaradza mabasa ekubhadharawa kwemitero pamwe nekuvandudza mashandiro eparamende pamwe nemahofisi aAuditor-General.

African Development Bank yasainirana chibvumirano chekubatsira Zimbabwe negurukota rezvemari muHarare, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Vachitaura mushure mekunyorerana chibvumirano ichiti, VaNcube vati mari iyi ichabatsira kusimbaradza ZIMRA panyaya dzekutambira mitero pamwe nekurerutsira veruzhinji nemakambani kubhadhara mitero.

Vatiwo izvi zvichabatsira kuti hurumende iwane mari yakawanda pamwe nekuti paramende nemahofisi aAdutitor-General aite mabasa awo nemazvo pakuongorora mashandisirwo emari dzehurumende.

Mukuru weAfrican Development Bank muZimbabwe, VaDamoni Kitabire, vati hupfumi hweZimbabwe hunogona kusimukira kana Zimbabwe ikasimbaradza nyaya dzekubhadharwa kwemitero.

Vati ndosaka vapa Zimbabwe mari yekutenga michina yechizvinozvino yekushandisa pakubhadharisa mitero nekuvandudza mabasa eparamende nehofisi ya Auditor-General pakuongorora kuti mari yemitero inoshandiswa sei.

Pamari yese iyi, ZIMRA ndiyo ichawana mari yakawanda, mamiriyoni masere emadhora.

Commissioner General we ZIMRA, Amai Faith Mazani, vaudza Studio7 kuti mari yavawana iyi ichavabatsira zvikuru pakuvandudza michina yavo nemabasa avo pakubhadharisa mitero yakasiyana siyana.

Vakasanobata chinzvimbo chemunyori weparamende, Amai Helen Dingani, vaudza Studio 7 kuti mari yavawanda nhasi ichabatsira zvakanyanya pakuwedzera ruzivo rwenhengo dzeparamende pakuongorora mashandisirwo emari yehurumende.

Vati makomiti achabatsirika nemari iyi, ikomiti inoona nezvezvicherwa, bhajeti nemari, Public Accounts, yemadzimai nemabhazimisi madiki, yezvemhando dzemoto, yemaindasitiri nemabhizimisi pamwe neye zvekurima.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vaudza Studio7 kuti kushandisa michina yechizvino zvino kunoita kuti hurumende iwane mari yakwanda kubva kumitero pamwe nekurerutsira makambani neveruzhinji.

VaMuchichwa vatiwo zvinopedza matambudziko anosangana nevanhu pamabhodha ekuti munhu anobhadhara mutero wezvinhu asi ozofonerwa pave paye achinzi anofanira kubhadhara imwe mari sezvakaitika pabhazi rakatengerwa CAPS United naNyasha Mushekwi.

Mushekwi anoti akabhadhara mutero waidiwa asi akazoshamisika bhazi rave kutorwa neZIMRA ichiti pane zvainge zvakanganiswa.

ZIMRA ibandiko rehurumende rinobata mitero yakasiyana siyana pazvinhu zvinotengwa nekutengeswa munyika nezvinotengwa nekutengeswa kunze kwenyika zvakaita seValue Added Tax, Custom and Excise Duty, Income Tax, mitero yemakambani nemimwe.

Nyanzvi dzinoti hurumende iri kurasikira nemari yakawanda sezvo ZIMRA ichishandisa nzira dzechinyakare kubhadharisa vanhu nemakambani mitero uyewo paine huwori hunoita kuti vanhu vakawanda vatengese, kuita mabasa akasiyana siyana pamwe nekupinza kana kuburitsa zvinhu munyika vasina kubhadhara mitero kana kubhadhara mitero iri pasi.

Amai Mazani vati vanotarisira kuti kuwana mari yakawanda kudarika yavari kuwana nekuda kwechirongwa ichi icho chatanga nhasi chipera muna 2023.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG