Accessibility links

Breaking News

Africa Yotadza Kusvitsa Zvikamu Zvakatarwa neWHO zveVanhu Vabayiwa Nhomba yeCovid-19 Gore Rino Risati Rapera


FILE - WHO Director-General Tedros Adhanom Ghebreyesus addresses the special session of the World Health Assembly in Geneva, in this handout picture made available by the World Health Organization on Nov. 29, 2021.

Sangano reWorld Health Organisation-WHO-rinoti nyika dzakawanda dzemuAfrica kusanganisira Zimbabwe dziri kutadza kubaya nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana gore rino risati rapera sezvanga zvakatarwa nesangano iri.

Vachitaura nezuro pamusangano we International Conference Public Health in Africa, mukuru weWHO, Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, vakati nyika makumi mana nesere panyika makumi mashanu neina dziri muAfrica dzichatadza kubaya zvizvarwa zvadzo zvikamu makumi mana kubva muzana sezvanga zvakatarwa neWHO.

Dr Tedros vakati rimwe dambudziko riri kuitika mudunhu reAfrica nderekuti nyika idzi hadzisi kuburitsa huwandu hwechokwadi hwevanhu vari kufa kana kurwara nechirwere cheCovid-19.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, Va Itai Rusike, vanoti kusabuda nehuwandu chaihwo hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 zvinokonzerwa nekuti munyika hamuna zvikwanisiro zvemhando yepamusoro zvekuongorora kuti munhu ane Covid-19 here kana kuti kwete.

VaRusike vanoti zvimwe zviri kutadzisa nyika dzemuAfrica kusanganisira Zimbabwe kubaya vanhu vakawanda idambudziko rekushandisa nhomba dzinobayiwa kaviri pamwe nekusawana kweveruzhinji ruzivo rwechokwadi nenguva.

Mukuru munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agnes Mahomva, vanoti sehurumende vachiri vakatarisira kuti vachabaya vanhu zvikamu makumi mana kubva muzana sezviri kukurudzira neWHO vachiti vachazobvuma kuti vatadza musiwa 31 Zvita 2021 wapfuura.

Kusvika pakupera kwezuva nezuro, Zimbabwe yakazivisa kuti yakange yabaya nhomba yekutanga vanhu mamiriyoni mana nezviuru makumi maviri nezvitatu negumi nevatu (4 023 013).

Vanhu vabayiwa nhomba mbiri kusvika mukupera kwezuva nezuro vainge vava mamiriyoni matatu nezviuru makumi matatu nezvishanu nezana nemakumi mapfumbamwe nevaviri, (3 035 192).

WHO inoti vanhu vanosvika mamiriyoni makumi manomwe nemanomwe, kana kuti zvikamu zvisere chete kubva muzana vakabayiwa nhomba yeCovid-19 muAfrica yose.

Zimbabwe yakwanisa kubaya zvikamu gumi nezvipfumbamwe kubva muzana, zvinoreva kuti mumazuva gumi nemana asara kuti gore ripere, Zimbabwe inofanirwa kubaya vanhu zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana, kana kuti 21%, unova mutoro mukuru pakatariswa nguva yatorwa kuti isvika pazvikamu gumi nezvipfumbamwe kubva muzana, kana kuti 19%.

Zimbabwe inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG