Accessibility links

Breaking News

VaJacob Mudenda Vanoitwa Zvakare Muaturiri weNational Assembly


US Ambassador Designate Jennifer Savage and Speaker Of The House Jacob Mudenda
US Ambassador Designate Jennifer Savage and Speaker Of The House Jacob Mudenda

Advocate Jacob Mudenda veZanu PF ndivo vasarudzwa kuva mutauriri weNational Assembly zvichitevera kukunda kwavaita Muzvare Paurina Mpariwa musarudzo yaitwa nenhengo dzedare iri muHarare.

VaMudenda vawana mavhoti zana nemakumi manomwe nemapfumbabwe, Muzvare Mpariwa vakawana mavhoti makumi manomwe nemapfumbamwe.

Panhengo mazana maviri nemakumi matanhatu nenhatu dzavhota, shanudzacho dzatadza kuvhota nemazvo.

Mumiriri weUzumba muNational Assembly, VaSimbaneuta Mudarikwa, vati vafara chose nezvabuda musarudzo vachiti VaMudenda munhu ane ruzivo nemashandiro eparamende sezvo vaive mutauriri weparamende yapfuura.

Vatiwo VaMudenda vakaitawo basa guru pakubviswa pachigaro kwevaimbova mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mumiriri weMbizo mudare reNational Assembly, VaSettlement Chikwinya veMDC Alliance, vatiwo kunyange hazvo vange vasina manhamba anoita kuti vakwanise kukunda, vapinda musarudzo iyi sechitsidzo chavakapa kuvanhu vakavavhotera musarudzo.

Sarudzo dzanhasi dzaitwa muchivande dzichiongorwa neZimbabwe Election Commission.

MDC yazivisa kuti Muzvare Thabitha Khumalo ndivo mutungamiri webato rinopikisa muNational Assembly, vachitevedzerwa naMuzvare mpariwa.

Mukokeri weMDC muNational Assembly ndiVaProsper Mutseyami vachitevedzerwa naAmai Nomathemba Ndlovu.

Ukuwu mutungamiri weZanu PF muNational Assembly ndiVaZiyambi Ziyambi.

Mukokeri weZanu PF muNational Assembly ndVaPupurai Togarepi.

Vachange vachitungamira MDC mudare reSenate ndiVa Elias Mudzuri, vachitevedzerwa naVaMorgen Komichi. Mukokeri webato vari Amai Lillian Timveous vachitevedzerwa naSenator Sinampande.

Amai Mable Chinomona ndivo mutungamiri wedare reSenate, vachitora basa rakanga richiitwa naAmai Edna Madzongwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG