Accessibility links

Breaking News

VaJohn Mupanduki Vanowanikwa Vari Vapenyu, Asi Vakatochwa


John Mupanduki
John Mupanduki

Nhengo yeMDC Alliance, VaJohn Mupanduki, avo vakapambwa musi weChishanu, vanonzi vakasiya vakandwa kumucheto kwemugwagwa pedyo nedhorobha reMashava nezuro mushure mekutochwa zvakaipisisa nevanhu vakavapamba.

Bato reMDC-A muMasvingo raudza Studio7 kuti VaMupanduki vakakuvara zvakaipisisa zvokuti vaenda kunoongororwa nana chiremba.

Pari zvino VaMupanduki vanzi havakwanisi kutaura nevatori venhau sezvo vasiri kunzwa zvakanaka zvichitevera kurohwa kwavakaita kwemazuva maviri.

Munyori wezvesarudzo muMDC-A kuMasvingo, VaStruggle Nyahunda, vati
ichokwadi kuti VaMupanduki vakazowanikwa nezuro vakakuvara zvakaipisisa..

Mudzimai waVaMupanduki, Amai Sheila Zvada Mupanduki, vatiwo murume
wavo anga asingakwanisi kutaura uye vange vari mubishi rekumurapisisa
kunana chiremba.

.Gweta raVaMupanduki, VaMartin Mureri, vati vakaenda navo kunhomhangara nyaya yekupambwa kwavo nezuro kukamba yemapurisa yepaBikita Policie station uye vanovimba kuti nyaya iyi ichaferefetwa zvakanaka.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa sezvo mutauriri wemapurisa
mudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa, vange vasiya nhare
yavo muhofisi iyo yanga ichidairwa nevadiki pabasa pavo avo vati
havakwanisi kutaura nevatori venhau.

MDCA inoti zvayaifungira zvekuti ndezvematongerwe enyika
zvazobuda pachena sezvo VaMupanduki vakavaudza kuti vairohwa vachinzi unotsigirieyi MDC-A inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Asi sachigaro webato reZanu PF muMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa,
varamba kupomerwa mhosva iyi vachiti bato ravo hariiti zvemhirizhonga
sezvo richikoshesa mutemo wenyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCommunity Tolerence and Reconciliation Development, VaZivanai Muzorodzi, vati kukwira kwemhirizhonga munyaya dzezvematongerwe enyika kuri kutyora kodzero dzevanhu.

Kupambwa kwaVaMupandukokunoitika pasina mwedzi mitatu yapfurwa zvichitevera kufa kweimwe nhengo MDCA, VaNyasha Zhambe Mawere, vekwaGutu, avo vakafa mushure mekurohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG