Veruzhinji vaungana muHarare vachirangarira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika makore mashanu apfuura, VaItai Dzamara, apo amai vaVaDzamara, Ambuya Benhilda Dzamara, vachema zvinopisa tsitsi.
Ambuya Dzamara vachema zvinopisa tsitsi panga pachiitwa munamato wekukumbira musiki kuti vanyevenutse moyo yeavo vakapamba VaItai Dzamara, kuitira kuti vamudzose, kana kuti mhuri yavo izive zvakaitika.
Vachitaura mushure memunamato waitwa pane imwe chechi muHarare, Ambuya Dzamara vaudza Studio7 kuti kusaziva kuti mwanakomana wavo mupenyu here kana kuti kwete, chinhu chiri kuvadya moyo zvakanyanya.
Ambuya Dzamara vati vari kukumbira ruregerero vakamirira mwana wavo kuti kana ane waakatadzira, kuti vavewo nemoyo wekumuregerera kuitira kuti adzokewo kumhuri yake.
Ambuya Dzamara, varumbidza muroora wavo, uye ari mudzimai waVaItai Dzamara. Amai Sheffra Dzamara, nekutsungirira kwavari kuita kuti vakwanise kuchengeta mhuri yakasiiwa nemurume wavo.
Mukuru weZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancellimo Magaya, vati sevedzisvondo nemasangano anorwira kodzero szevanhu, vanoshushikana zvikuru nekukundikana kwehurumende kuzivisa kuti VaDzamara vakaendepi.
VaMagaya vatiwo vanoziva kuti pakave nechido kubva kuhurumende hazvitori nguva kuwana ruzivo rwezvakaitika kuna VaDzamara.
Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vatiwo zvinosuwisa zvikuru kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvatadza kumanikidza hurumende kuti itsanangure zvakaitika kuna VaDzamara.
Vaive sahwira waVaItai Dzamara, VaCharles Nyoni, avo vaigarawo muAfrica Unit Square apo pavairatidzira vese, vatiwo vanodawo zororo mupfungwa dzavo, vachiti izvi zvinoitika chete kana pakave netsananguro yezvakaitika kuna VaDzamara.
Vanhu vauya kuchiitiko ichi vasainawo tsamba yenyunyuto iyo masangano anorwira kodzero ati achaisvitsa kumutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, achivayeuchidza hurumende yavoine chitsvambe chekuchengetedza zvizvarwa zvenyika uye kuzivisa nyika zvakaitika kuna VaDzamara avo vakatsakatika muna 2015.
NeMuvhuro, mudzimai waVaItai Dzamara akaendesawo tsamba yake yenyunyuto kumahofisi emutungamiriri wenyika achikumbirawo kuti VaMnangagwa vamubatsirewo kuwana ruzivo rwezvakaitika kumurume wake.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa pamire hurumende panyaya iyi. Asi hurumende yakaisa mubayiro wezviuru gumi zvemadhora ekuAmerica semubayiro unopihwa munhu anenge akwanisa kunongedza kuna VaDzamara.
VaItai Dzamara vakapambwa musi wa Kurume 9, 2015 vachigerwa musoro mumusha weGlenview 7 nevanhu vasingazivikanwi kuti ndivanani.
Vasati vapinda munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu, VaItai Dzamara vakamboshandira masangano enhau anosanganisira The Standard neStudio7.
Vakazosiya basa rekutora nhau vachiti vava kurwira kodzero dzevanhu vachikurudzira vaiva mutungamiri wenyika panguva iyi, muchakabvu Robert Mugabe, kusiya basa.
Facebook Forum