Accessibility links

Breaking News

Dare Rinorasa Chikumbiro chaAmai Grace Mugabe


Zimbabwe First Lady

Dare remuChinhoyi nhasi rarasa chikumbiro chaAmai Grace Mugabe chekuti mutongo waMambo Zvimba wekuti mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ufukunyurwe, uraswe.

Vachipa mutongo wavo nhasi mutongi wedare ramejasitiriti, Muzvare Ruth Moyo, vati chikumbiro chaAmai Mugabe hachina musoro sezvo mwana wavo Bona Mugabe ari iye akakwidza nyaya kudare vachiti haana simba rekukwidza nyaya iyi pamutemo asi ivo mbune Amai Mugabe.

Kunyange hazvo magweta aAmai Mugabe amiramira achiti Amai Mugabe vainge vasiri munyika panguva iyi ndokubva vapa mwana wavo simba kana kuti power of attorney rekukwidza nyaya kwamajisitirriti asi dare razviramba.

Gweta raAmai Mugabe, VaFungai Chimwamurombe, vati havana kufara nemutongo wamajisitiriti vachiti Bona ayinge apihwa simba naAmai vake zviri pamutemo sezvo vainge vasiri munyika.

VaChimwamurombe vati vachapikisa mutongo uyu zvakare kudare repamusoro.

Asi gweta raVaTinos Manongovere avo vakaendesa Amai Mugabe kwaMambo Zvimba vachiti vaka viga VaMugabe zvisingabvumirwe netsika dzemaZvimba nokudaro vanofanirwa kufukunyurwa, VaPardon Nhokwara, vati havana chekuwedzera pamutongo vachiti vari kufara nemutongo wanhasi.

Muzvare Moyo masvondo maviri apera vakarasazve chikumbiro chevana vaVaMugabe vanoti; Bona, Tinotenda Robert Jnr naBellaimine Mugabe chekuti dare rimise kufukunyurwa kwemutumbi wababa vavo sezvakanga zvatongwa naMambo Zvimba muna Chikumi.

Muzvare Moyo vakapa chikonzero sechavapa nhasi chekuti vana vakaunza nyaya yekumisa kufukunyurwa kwaVaMugabe havasi ivo vari pamagwaro emutongo waMambo Zvimba asi kuti amai vavo, Amai Mugabe, ndivo vakapihwa mutongo uyu.

VaMugabe vakashaikira kuSingapore muna Gunyana 2019 uko kwavaigara vachienda kunorapwa. VaMugabe, avo vakatonga nyika kubva muna 1980, vakabviswa pachigaro zvechisimba nemauto muna Mbudzi 2017.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG