Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, Va Arthur Mutambara, vanoti nyika dzakabudirira dzinenge America neBritain, hadzifanirwi kupindira munyaya dzezvematongero enyika muZimbabwe.
Mugwaro ravakaburisa neMuvhuro vachirangarira zuva rekuremekedza magamba enyika, vaMutambara vakayambira nyika idzi kuti dzisapindire munhaurirano dziri kuitwa pakati pavo, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaRobert Mugabe veZanu PF.
VaMutambara vakashorawo nyika idzi nekutemera kwadzakaita makurukota ehurumende yeZimbabwe zvirango, vachiti zviri pachena kuti nyika idzi dzine chinangwa chisina kunaka.
Mashoko aya haana kusiyana neayo anowanzotaurwa naVaMugabe apo vanonyomba nyika dzakaita seBritain neAmerica..
Ntungamili Nkomo weStudio 7 abata vaMutambara ndokutanga nekuvabvunza kuti seyi vari kuudza nyika dzakabudirira mashoko akadai.