Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshora Nhepfenyuro dzeKunze

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuSwitzerland kumusangano weTelecom World 2009, uyo wakarongwa neInternational Telecommunications Union. Musangano uyu wakatanga neMuvhuro, uye uri kupera neChishanu.

Vachitaura kudare remakurukota enyika zana nemakumi mapfumbamwe neimwe neChina muGeneva, VaMugabe vakashora nyika dzekumadokero idzo vakati dziri kuda kuvabvisa pachigaro.

Vakatiwo nyika dzakawanda dziri kutyora zvisungo zveInternational Telecommunications Union, kuburikidza nekushandisa kwadziri kuita nhepfenyuro dziine chinangwa chekubvisa hurumende pachisimba.

Kunyange hazvo VaMugabe vasina kudoma dzinhepfenyuro idzi, pane nhepfenyuro dzinoti Short Wave Radio Africa, iyo inotepfenyura iri muLondon, Studio7 iri muWashington DC, pamwe ne Voice of the People, dzinotepfenyura dziri kunze kweZimbabwe.

Nhepfenyuro idzi dzakavambwa kunze kwenyika zvichetevera kuvharwa kwakaitwa Capital Radio muna 2001, pamwe nekudzikwa kwemitemo inoita kuti zvisaite nyore kutanga nhepfenyuro dzakazvimirira muZimbabwe.

Asi rwendo rwaVaMugabe kuGeneva rwakonzera mutauro wakanyanya. Vamwe vanoti VaMugabe havaifanirwa kuenda kumusangano uyu, nekuti vakatemerwa zvirango ne European Union, pamwe neSwitzerland. Vanotiwo VaMugabe vari kuenderera mberi vachityora kodzero dzevanhu.

Asi sangano re ITU rinoti musangano uri kupindwa naVaMugabe, musangano weUnited Nations, nekudaro hapana chakaipa kuti VaMugabe vaende kumusangano uyu. VaMugabe vanogara vakaenda kwese kunenge kuine misangano yeUnited Nations, sezvo zvirango zvisingashandi pamisangano yakadai.

Vari kumusangano uyu naVaMugabe vanosanganisirawo gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, avo vakarumbidzwa zvikuru kumusangano uyu naVaMugabe.

Vamwe vari kumusangano uyu ndiva Marlon Zakeyo, gweta uye vari Advocacy Officer weWorld Student Christian Federation, avo vanoti VaMugabe vanoshorwa nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG