Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Voshanyira Zimbabwe


Vanhu vari kushanyira Zimbabwe vawanda zvakapetwa katatu zvekuti vanhu vanosvika 362,000 vakatoshanyira Zimbabwe kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, nyika ikawana mari inodarika mamiriyoni zana emadhora ekuAmerica.

Munguva imwe cheteyo gore rapera, nyika yakawana vashanyi vanosvika zviuru zana chete.

Vachitaura mu South Africa kumusangano wakaitwa wekukurudzira vanhu kuti vashanyire Zimbabwe, mutungamiri we Zimbabwe Council of Tourism, Va Emmanuel Fundira, vakati hurumende itsva yaita kuti vanhu vazhinji vade kushanyira Zimbabwe.

VaFundira vakati mumakore gumi apfuura, Zimbabwe yakawana mari inosvika US$250 million ikazodzika zvinotyisa kusvika pa US$40 million muna 2005.

Chief Executive Officer veAfrica Sun, Va Shingi Munyenza, vatiwo zvinhu zviri kufamba zvekuti mahotera muHarare ava kuzara zvekare nevashanyi.

VaKarikoga Kaseke ndivo CEO veZimbabwe Tourism Authority. VaKaseke vati Zimbabwe yava kuwonekwa senyika yagadzikana uye hurumende dzekunze dzakaita senyika dzemu European Union, hadzisiri kukurudzira vanhu vemunyika idzi kuti vasashanyire Zimbabwe.

XS
SM
MD
LG