Accessibility links

Breaking News

Dynamos Football Club Yotungamira muMakwikwi ePSL


Vatsigiri vechikwata cheDynamos vanoti vari kufadzwa zvikuru nematambiro ari kuita chikwata chavo pari zvino.

Dynamos iri kusangana neGunners nemusi weSvondo. Mutambo uyu ndiwo ucharatidza remangwana rePremier Soccer League log. Dynamos ikakunda Gunners neSvondo inenge yotungamira nemapoinzi mana. Pari zvino Dynamos ndiyo iri pamusoro pePSL log ichiteverwa neGunners uye zvikwata izvi zvakasiyana nepoindi imwe chete.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemumwe mutsigiri weDynamos, VaElliot Mahembe, kuti tinzwe maonero avari kuita matambiro ari kuita chikwata chavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG