Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita zveMangoda Yakadzvokorwa neKimberly Process


Musangano wepagore weKimberly Process wanga uchiitirwa kuNamibia, wapera neChina muWindhoek, ukabuda nechisungo chekuti Zimbabwe haifaniri kutengesa yega mangoda ekwa Marange, pasina muongorori weKimberly Process.

Chisungo ichi chabuda mushure mekusawirirana pakati pedzimwe nyika dzemu Africa nenyika dzekumawirira, pagakava rekuti Zimbabwe imbomiswa kutengesa mangoda ayo pamusika wepasi rose, kudzamara yava kutevedza zvinosungirwa kuitwa pakutengeswa kwemangoda nesangano reWorld Diamond Council.

Musangano uyu wabvumiranawo kuti mangoda emuZimbabwe haasi kushandiswa zvine ropa mukati. Asi musangano uyu watiwo mangoda aya anofanirwa kucherwa nekutengeswa paine muongorori we Kimberly Process.

Gurukota rezvicherwa, Va Obert Mpofu, vanoti vafadzwa nezvabuda kuNamibia sezvo Zimbabwe iri kubvumidzwa kutengesa mangoda ayo.

Va Dewa Mavhinga vanoshanda sachipangamazano weHuman Rights Watch, sangano ranga richikurudzira kumiswa kweZimbabwe kutengesa mangoda. VaMavhinga vanoti kunyange hazvo zvavanga vachida zvisina kunyatsoitika, vafadzwa nedanho rekuti Zimbabwe haichakwanisi kuita zvehuori nemangoda ekwaMarange, sezvo yava kugara yakaongororwa.

Mutungamiri weCentre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vanotiwo ivo pachavo havana kufadzwa nemabatirwo aitwa nyaya iyi neKimberly Process.

VaMaguwu, avo vakanga vaenda kumusangano uyu vachida kuroverera Zimbabwe nenyaya yekuita zvehuori kwaChiadzwa, pamwe nekutyora kodzero dzevanhu kwaMarange, vati zvaitwa neKimberly Process zvinoratidza kuti sangano iri harichina meno.

VaMaguwu, avo vakapedzisira vatiza kumusangano uyu vachiti vainge vatyisidzirwa nevamiriri vehurumende kumusangano uyu, vanoti pava kudiwa sangano idzva rine meno rinokwanisa kumisa kutengeswa kwemangoda pamukoto.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

‚Äč
XS
SM
MD
LG