MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, neChipiri yakaramba kupinda mumusangano wedare remakurukota.
Dare remakurukota rapindwa nemakurukota eZanu PF pamwe nemakurukota eMDC inotungamirwa naVaArthur mutambara.
Makurukota eMDC yaVaTsvangirai anoti haasi kuzopinda mumusangano uyu kudzamara mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabvuma kuita zviri kudiwa nebato iri.
Vachitaura mushure mekusangana nemutungamiri weDRC, uye vari sachigaro weSADC, Va Joseph Kabila, neMuvhuro manheru, VaTsvangirai vakaudza vatori venhau kuti VaKabila vakanga vauya kuzovaona zvichitevera hurukuro dzavakaita apo vakashanyira vatungamiri venyika dzemu SADC vachivaudza nezvegakava riri muhurumende yemubatanidzwa.
VaTsvangirai vakatiwo havana zvakawanda zvavanotarisira kubva kumusangano weSADC Troika uri kuitwa neChina ku Mozambique.
Vachitaurawo neMuvhuro, VaMutambara vakatiwo VaKabila vanofanirwa kubata nyaya yeZimbabwe zvine hudzamu.
Asi VaTsvangirai vanoti SADC Troika ikatadza kubuda nechouviri panofanira kuitwa musangano mukuru weSADC Summit inopindwa nevatungamiri venyika dzose dzemuSADC.
VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanoti havana kupinda mudare remakurukota, sezvo pasina chati chasanduka pane zvavari kuda.
Asi nhengo yeZanu PF, VaChris Mutsvangwa, vanoti zvaitwa neMDC zvinodzorera nyika kumashure.
VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti havana kushamisika kuti MDC haina kupinda mudare remakurukota nekuti vachiri makara asionane neZanu-PF.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...