Accessibility links

Breaking News

SADC Yoronga Musangano weChimbi Chimbi weKuzeya Zimbabwe


Nhumwa dzeSADC neChishanu dzakasangana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, dzikakurukura zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Mushure mekusangana naVaTsvangirai, nhumwa idzi dzaendawo kunosangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Nhumwa idzi dziri kunzwa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, kuitira kuti SADC ibatsire mukugadzirisa zviri kunetsa.

Mushure mekutaura nenhumwa idzi, VaTsvangirai vati vari kuda kuti pave nemusangano wechimbi chimbi wekugadzirisa gakava riripo.

Vachitaurawo vari muSouth Africa mushure mekusangana nemutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, mutungamiri weDRC, uye vari sachigaro veSADC, VaJoseph Kabila, vazivisa kuti vari murwendo kuenda kuZimbabwe kunoyedza kugadzirisa dambudziko rapinda muhurumende yemubatanidzwa.

VaKabila vanoti vakamirira kupihwa zvabuda nemakurukota matatu ari muSADC Troika anobva kuZambia, Mozambique neSwaziland, ayo apeta rwendo rwawo muHarare neChishanu.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vanoti veSADC Troika vavimbisa VaTsvangirai kuti vakazvipira kuti nyaya iyi igadziriswe.

Munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaWelshman Ncube, vanotiwo SADC yakatotara kare kuti kana SADC Troika yapedza basa, panofanirwa kuitwa musangano mukuru weSADC Summit wekuzeya nyaya yeZimbabwe.

Vatiwo vakaudza SADC zvavanoti zvakagonekwa nehurumende yemubatanidzwa, nezvimwe zvisina kunge zvakazadzikiswa.

Nhengo yeZANU-PF Central Committee, VaChris Mutsvangwa, vanovawo mukomiti yezvekuburitswa kwemashoko muZANU-PF, vanoti vari kufadzwa nebasa riri kuitwa neSADC.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Teressa Mugadza, vanotiwo kuuya kwaVaKabila kwakakosha sezvo vari ivo sachigaro weSADC.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG