Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzeSADC Troika Dzinotanga Misangano Munyika

Nhumwa dzeSADC Troika, idzo dzakasvika munyika Chitatu manheru, dzatanga kuita basa radzakafambira muZimbabwe. Nhumwa idzi dzinonzi dzasangana nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vamiri veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe nevamiri veZanu PF vachitungamirwa negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa.

Nhumwa idzi dziri kuedza kutsvaga nzira dzekugadzirisa gakava riri pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe naemutungamiri wehurumende, VaTsvangirai. Vaviri ava vari kunetsana zvikuru panyaya dzinonzi dziri kuda kugadziriswa muhurumende yemubatanidzwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hadzioni chikwata cheSADC Troika chiri munyika ichi chichiburitsa chimuko panyaya yemakakatanwa ari pakati peZanu PF neMDC.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti rwendo rweSADC Troika urwu mahumbwe, sezvo vachiona VaMugabe vasingatyi makurukota ezvekunze atumwa neTroika aya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG