Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana paHupenyu hweHurumende yeMubatanidzwa

Bato reMDC rinoti harisi kuzodzokera shure padanho raro rarakatora musi wa 16 Gumiguru, rekuti rambomira kudyidzana neZANU-PF kudzamara zvariri kuda zvagadziriswa .

MDC inoti iri kuda kuti zvinhu zvasara zvinosanganisa nyaya yekugadzwa kwemagavhuna ayo mumatunhu ayakakunda musarudzo dzegore rapera, kugadzwa kwaVaRoy Bennet semutevedzeri wegurukota rezvekurima, kugadzirisa nyaya yekugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nekugadzwa kwemuchuchusi mukuru wehurumende.

MDC yapinda musvondo rechipiri isingapinde mumisangano yedare remakurukota pamwe nemukanzuru yemakurukota.

Asi ZANU-PF inoti hapana chimwe chaichaita kusvika MDC yaita kuti zvirango zvakatemerwa vakuru vebato iri, zvibviswe. Gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vakaudza Herald kuti zvinhu zvikaramba zvakadai, VaMugabe vachatsvaga mamwe makurukota achange akabata matomu kuitira kuti basa rehurumende rirambe richifambira mberi.

Asi MDC inoti uku kurota kuri kuita ZANU-PF, sezvo mutemo uchirambidza VaMugabe kuita zvinhu VaTsvangirai vasipo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti matambudziko akadai anotarisirwa pamuchato wakadai, nekudaro hazvina musoro kurasa mbereko nekufirwa.

Asi vamwe vanoti zvikoni zvikoni, mimba haibvi negosoro, nokudaro chava kudiwa kupanana gupuro, muchato wobva wapera, izvo zvinozopa mukana wekuti munyika muitwe sarudzo.

Muongorori wenyaya dzezvematongerwo enyika uye vari Co-ordinator wesangano reCentre for Community Development, VaPhillip Pasirayi, vanoti havaone hurumende yemubatanidzwa ichirarama kwenguva yakareba.

Asi Director of Campaigns musangano reAfrica Action, VaBriggs Bomba, vanoti hurumende ichaenderera mberi kunyange hazvo ichikamhina.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG