Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Cricket  Inokunda Bangladesh

Zimbabwe Cricket yakunda Bangladesh nema wiketsi mashanu pamutambo we Five-Day Internationals watambirwa muguta reDhaka muBangladesh neChipiri masikati.

Zimbabwe yakwanisa kuwana ma 189 runs, Bangladesh ikaita 186 runs. Zimbabwe yave kutungamira ne1-0 pamitambo yatambwa pari zvino. Zvikwata zviviri izvi zvichaenderera mberi nemutambo yazvo neChina.

Mune mimwe mitambo yekiriketi yatambwa kwaMutare nekuMasvingo, chikwata che Mutare Mountaineers chakunda chikwata cheMid West Rhinos ne 10 wickets, pamutambo watambirwa kwaMutare.

Pamutambo watambirwa kuMasvingo, chikwata cheRocks chakundwa nechikwata cheTuskers ne38 runs.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo wekiriketi VaBrian Goredema, kuti tinzwe zvinoreva kukunda kwaita Zimbabwe Cricket Bangladesh.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG