Accessibility links

Breaking News

Mupepeti weNhau Barnabas Thondlana Anodzingwa Basa

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, VaBarnabas Thondhlana, vadzingwa basa semupepeti webepanhau reNewsday, iro rakamirira kupihwa rezenisi nehurumende. Vakuru vekambani iri kuda kudhinda Newsday, vanoti havakwanisi kuramba vachibhadhara VaThondhlana, sezvo bepanhau ravo risati rava nerezenisi rekuti ridhindwe.

VaThondhlana vakapedzisira kuva mupepeti mukuru we Newsday neMuvhuro, mushure mekumiswa basa na Chief Executive veZimbabwe Ind Publishers, Va Raphael Khumalo. Muridzi mukuru wekambani iyi, Va Trevor Ncube, vaudza Studio7 kuti vakaparadzana mune zvakanaka naVa Thondhlana.

VaNcube vatiwo vava kutsvaga munhu achatsiva VaThodhlana, izvo zvava kupa kuti vanhu vabvunze mubvunzo wekuti seyi pavakutsvagwa mumwe munhu bepanhau iri risati rava nerezenisi.

Kudzingwa basa kwaVa Thondhlana kwakatyamadza vazhinji vari munyaya dzekupepetwa kwenhau. Va Thondhlana vakatanga kushanda nebepanhau re Fingaz, vakazoenda ku Zimbabwe Independent.

Mushure mezvo vakazosiya Zimbabwe Independent ndokumbonoshandira bepanhau re Daily News parakavambwa kwenguva pfupi. VaThondhlana vakadzokera zvakare ku Zimbabwe Independent, uko vakazobva zvakare voenda kunoshandira Daily News on Sunday, iro rakavharwa nechisimba muna 2003.

VaThondhlana vanoti vakatyamadzwa zvikuru nekudzingwa basa kwavaitwa nemunhu wavakashanda naye kwenguva yakareba.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG