Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoramba Kupinda Mudare reMakurukota

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChipiri vakatungamira bato ravo mukurega kupinda mumusangano wedare remakurukota, uyo unoitwa chipiri chega chega.

Makurukota mana eMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, anoti VaMutambara pachavo, VaWelshman Ncube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, pamwe naVaDavid Coltart, apinda mumusangano uyu.

MDC yaVaTsvangirai yapinda musvondo rechipiri ichiramba kupinda mumisangano yakadai, ichiti Zanu-PF inofanirwa kutanga yazadzisa zvose zvinodiwa neGPA, izvo zvinosanganisira nyaya yekugadza magavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, kugadzirisa nyaya yagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, kugadza VaRoy Bennet semutevedzeri wegurukota rezvekurima, pamwe nekusungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzebato iri.

NeChipiri VaTsvangirai, VaMugabe pamwe naVaMutambara, vakasangana vakatadza kunyatsowirirana. VeMDC neZANU-PF vanoti hapana chakabuda.

Asi munyori mukuru wechikwata cheMDC inotungamirwa naVaMutambara, VaWelshman Ncube, vanoti handi chokwadi kuti hapana chakabuda pamusangano weMuvhuro. Vati pakatenderanwa nyaya yekuti National Security Council itange kusangana zvakare uye mashandiro edare remakurukota.

Asi vemapato ose vanoti pakakandiranwa makobvu nematete nevakuru vatatu ava. VaNcube vatiwo havana chivimbo chekuti makurukota eSADC Troika ari kuuya munyika, pane zvaanokwanisa kugadzirisa.

VaEphraim Masawi ndivo mutevedzeri wemutauriri weZANU-PF. VaMasawi vanoti kuramwa kupinda mudare remakurukota kweMDC hakuna zvakunoreva.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti havatenderane nepfungwa yekuti SADC haina chainokwanisa kuita.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG