Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Gakava Pakati paVaMugabe naVaTsvangirai

Danho rakatorwa neMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rekugura muchato wayo neZanu PF muhurumende yemubatanidzwa, raisa nyika murima sezvo veruzhinji vasisaziva kuti izvi zvichasvika kupi.

MDC iri kupomera VaMugabe nebato ravo mhosva yekusaremekedza chibvumirano cheGPA, uye kusairemekedzawo sebato riri muhurumende yemubatanidzwa.

Kunyange hazvo MDC yakambomisa kushanda neZanu PF, bato iri riri kuti danho rakatorwa neMDC harina zvarinoreva, sezvo mabasa ehurumende achingofambira mberi.

Bato reMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara rinoti richaramba richipinda mumisangano yose yemakurukota richitiwo iyi ndiyo yoga nzira inogona kumisa Zanu PF kuita humbimbindoga.

SADC Troika iri kutarisirwa kupinda munyika svondo rinouya kuitira kuti iedze kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa pakati paVaMugabe naVaTsvangirai.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe. Professor Makumbe vanoti MDC yakaita zvakanaka nekuti Zanu PF iri kuramba ichiita zvehumbimbindoga munyika, asi iri iyo yakakundwa musarudzo.

Rimwewo gweta uye vachiongorora zvematongerwo enyika, Muzvare Theresa Mugadza, vanoti MDC haifanirwe kuramwa, sezvo Zanu PF ichizowana mukana wekuita zvinodzosera nyika mushure.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG