Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzemu Africa mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu vemu Africa neChitatu, kana kuti Africa Human Rights Day. Vanga vari munyarikani pahurongwa uhu, uye vari nhumwa ya Archbishop Desmond Tutu, VaDean Towan Smith, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kutaurirana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nekukasika kuitira kuti vagadzirise zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.
Va Smith vataura mashoko aya muHarare gardens. Vanhu vanodarika mazana mashanu vaungana vachinzwa hurongwa uhu. Vamwe vataura pahurongwa uhu vanosanganisira gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, avo vaudza vanhu kuti vanofanirwa kupinda muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kuitira kuti kodzero dzavo dzichengetedzwe.
Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, iro rakaronga hurongwa uhu, rinoti vanhu vazhinji vachiri kutyorerwa kodzero dzavo munyaya dzedzidzo nezvimwe zvakadaro, kunyange hazvo mhirizhonga yezvematongerwo enyika yadzikira munyika kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.
Executive Director vesangano iri, VaAbel Chikomo, vanoti kusawirirana kuri kuitika muhurumende yemubatanidzwa, kunogona kukonzera kuti munyika muve nemhirizhonga zvakare.
VaChikomo vati zvinhu zvakawanda zvakaita semitemo inobata vatori venhau, pamwe nemitemo yekodzero, hazvisati zvagadziriswa izvo zvinogona kupa kuti kodzero dzevanhu dzirambe dzichityorwa.