Accessibility links

Breaking News

WHO Inoti Yagadzirira Kurwisa Korera Munyika


Sangano re World Health Organisation rinoti kunyange hazvo chirwere chekorera chadzoka muZimbabwe, vanhu havasi kuzofa sezvakaitika pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera kusvika gore rino.

Mumiriri weWHO muZimbabwe, Dr Custodia Mandlhate, vanoti nzvimbo dzakati wandei munyika dzine vanhu vakabatwa nechirwere chekorera, asi vanhu havafaniri kuvhudukwa nokuti vezvehutano vakagadzirira kurwisa chirwere ichi.

Amai Mandlhate vanoti WHO iri kushanda nehurumende pamwe nemasangano akazvimirira oga mukuita zvinodiwa kuitira kuti korera isapararire nekukasika. Amai Mandlhate vati WHO iri kupa hurumende motokari gumi neimwe, mishonga nezvimwe zvinodiwa zvakawanda mukurwisa kore Amai Mandlhate vanotizve gore rino hurumende iri kushandika nayo munyaya yekorera pane gore rapera zvaita kuti gadziriro isanyanyonetsa.

Va Elias Mapendere vanoshanda neCenter for Community Development muHarare.

VaMapendere vanoti ivo nevamwe vavo vanoshanda munyaya dzehutano, havawirirani naAmai Mandlhate kuti gadziriro yaitwa pari zvino, inokwanisa kudzvirira kupararira kwekorera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG